Dzikisa sadza nekabhichi

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Dzikisa sadza nekabhichi

Kwayedza

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka—

MURIWO wekabhichi kudya kune utano kana uchinge wanyatsobikwa zvakanaka uye veruzhinji vanowana maVitamin A neC kubva mumuriwo iwoyu.

Svondo rino Mai Susan Chimonera vekwaMutoko vanotsanangudza mamwe mabikirwo ekabhichi.

Zvinodiwa:

Poto, kabhichi, hanyanisi, matomatisi, mafuta, munyu

Mabikiro:

Cheka kabhichi muzvidimbu zvidiki-diki.Rigeze richene wokanda mupoto.Usaise mvura nekuti iro rine mvura yaro nechekare.Fashaidza kwemaminitsi mashanu wocheka matomatisi nehanyanisi wokanda.

Kanga nemafuta mashoma wozoisa munyu wakaringana.

Usaise godzamuto uye kana zvatsvukira, chibura udye nemhuri.

Kabhichi harifaniri kunyanya kuibva zvekurukutika.

Rinodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey