Dzikisa sadza nemadora

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Dzikisa sadza nemadora

Kwayedza

Zviri Mugapu 

MADORA kudya kunonaka uye kuchivaka muviri sezvo aine mapuroteni. Munhu unogona kupedza mukonde wesadza kana usavi hwemadora hwabikwa zvine unyanzvi.

Svondo rino Tilda Chibaya wekuTriangle, kuChiredzi, anotsanangura pamusoro pemamwe mabikirwo emadora.

Zvinodiwa:

Madora, munyu, mafuta, matomatisi nemhiripiri

Mabikiro:

Fashaidza makomichi mana emvura.Nyika madora mumvura inopisa kwemaminitsi angaite gumi.

Geza madora, uchaona achibuda mvura yakatsvukuruka.

Ramba uchiageza uchirasa mvura kusvika achena.

Chitora madora woisa mumvura shoma ine munyu. Kwatisa dakara mvura yapera.

Wozodii?

Isa mafuta mupani, woisa pamoto wokanga.

Chekerera matomatisi uchikanga. Sununguka kurunga nemhiripiri kana uchiifarira.

Kana zvadai, chinakirwai nemhuri. Madora unogona kuadya akadaro kana nesadza.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links