Dzokorodzo inokosha pakugadzirira bvunzo

18 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIKAMU chakapfuura ndanga ndakatsamirana nenyaya yeGeneral paper iro randakati rinoumbwa nekubatanidzA zvidzidzo zvisere. Zvidzidzo zvinovaka pepa iri ndezvinoti Religious and Moral Education, Music, Environmental Science, Art, Social Studies, Physical Education, Guidance and Counselling neHome Economics.

Zvinodzidzwa umu zvine misoro inopfuura gumi pachidzidzo chega-chega nekudaro kuti mwana akwanise kubata zvese izvi, anofanirwa kunge achiita dzokorodzo yamandorokwati zuva nezuva.

Kwavawo nechidzidzo chitsva chakatanga kunyorwa bvunzo repamusoro iri gore rapfuura. Chidzidzo ichi ndecheAgriculture icho chakawedzera huwandu hwezvidzidzo munguva imwe chete zvichi reva kuti kuverengawo nekuita dzokorodzo kwawedzera.

Ndiko kusaka ndakati tishandise mukana uno kupanana zvatingaite kuti dzokorodzo negadziriro yebvunzo ireruke uye igotipa goho ratiri kutsvaga. Ndinoziva kuti vanhu nevanhu vane mafungiro avo ari maererano nekugadzirira bvunzo nokudaro andichaisa muchirongwa muno ndeekungowedzerawo asi achigona kutibatsira.

Chekutanga ndechekuzviisa munzvimbo inokodzera kuverenga uri, uye pfungwa dzako dzoungana pakuverenga kwete kutamba. Hazvibatsire kuti ubate mabhuku uri panzvimbo pane zvinokwezva pfungwa sechivhivhiti kana runharembozha nekuti pfungwa dzako hadzigoni kuzvikamura kuti dzimwe dzonzwa zviri kuchivhivhiti dzimwe dzosara pabhuku.

Usada zvakare kuverenga uri padyo nepaunorara nekuti nenguva dikidiki unenge wotodzipfodora dzehumambo. Kana pamba paine mhwerepwere idzo dzinoda kutamba dzichiita ruzha, suduruka panguva yekuverenga. Zvijaidze kugara wakabata gwaro nguva zhinji.

Kana wazviisa mumwando wekuverenga pasina chinokukwezva, chibva wagara wagadzira nzira yekutevedzera (time table) woinamira kumadziro wozvipa mutemo wokuti unofanirwa kuitevedzera uye nenguva dzacho dzakatarwa.

Mukugadzira iyi nhevedzo, isa mupfungwa zvidzidzo zvausinganyatsobude zvakanaka wozvipa nguva yakareba. Wanzira simba redzokorodzo kuzvidzidzo zvinokutambudza asi usingazokanganwi zvimwe zvacho.

Chitanga nekuverenga wega uchitsvaga ruzivo nekushandisa mabhuku. Verenga chero neawakanyora uchiona pawaigona nekutadza. Zvinhu zvakaita serondedzero gara uchinyora nyora uchipa vanhu vepamba vachikugadzirisa kana wogona wochinopa murairidzi kuchikoro.

Bvisa kapfungwa kekupona nekutora zvavamwe usingaite zvako nekuti bvunzo rinoda zvako iwe. Ukaona wava neruzivo chitsvaga shamwari yepedyo yaunodzidza nayo imwe chete isingakufururi kutamba motanga kuita mese dzokorodzo asi muchitevedza nhevedzo yamakagadzira. Kakanai nharo zvikuru asi mozoshandisa mabhuku kuti mudzimure nharo idzodzo.

Pananai nguva yekunyora musingatarisi mhinduro dzakapiwa. Mega munoona kuti mava kugona mobva matsvaga vamwe vane pfungwa dzakarurama movaka boka redzokorodzo. Muchaona kuti muboka muchadzidza zvakawanda zvamanga musina kuita.

Boka redzokodrodzo harisangani mazuva ose asi kuti munopana zvekuita mazopanana mazuva ekusangana kuti muite dzokorodzo. Boka rinovhura njere apo muchisangana vane pfungwa dzinopinza zvakasiyana.

Apa pamatanga kusangana seboka manga muchishandisa mabhuku zvekuti kana manzwa nawo chipananai zviya zvekutsvaga mumhepo mava kushandisa makombiyuta iwo adai kuzara muzvikoro.

Kana ichinetsa kuwana munogona kushandisa nharembozha mowana ruzivo rwakadzama.

Mudzidzisi wenyu ndiyo nguva yekumutadzisa kana kudya chaiko kuchikoro nekubvunza mibvuno. Kana bvunzo raswedera, ndipo panodiwa mapepa akanyorwa nevamwe kare muchiita dzokorodzo mushure mekupedza zviri mubumbiro redzidzo.

Nguva yedzokorodzo negadziriro ndiyoyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey