‘Dzoserai zvikwereti kumabhanga’

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
‘Dzoserai zvikwereti kumabhanga’

Kwayedza

Farm2

CDE Remigious MATANGIRA

Kingstone Mapupu
VARIMI vanokwereta mari dzekurimisa kubva kumabhanga, makambani nemasangano akasiyana vakakurudzirwa kuti vadzosere zvikwereti zvavanenge vatora kuitira kuti mabasa ekurima arambe achisimukira. Mashoko aya akataurwa nenhengo inomirira Bindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira avo vanove murimi mukuru zvakare.

“Hakuna mari inofanirwa kuwanikwa nevarimi pachena saka varimi vedu vanofanirwa kudzosera mari dzavakatora dzezvikwereti zvekurima kana kuti dzavari kutora izvozvi. Mari iyoyo inofanirwa kuramba ichitenderedzwa mukati mevarimi vakasiyana kwete kugumira pamurimi mumwe chete,” vakadaro Cde Matangira.

Vakati kune varimi vakatora zvikwereti zvekurimisa kubva mugore ra2000 izvo vasati vadzosera kusvika nhasi, izvo vakati dai varimi ava vakadzosera mari dzavo nyika ingadai ichibatsirika zvikuru ichipihwa kune vamwe. “Tava nemakore anokwana 14 varimi vapinda muminda tikapihwa zvikwereti, vamwe vakashandisa mari iyi zvisizvo vakatadza kurima saka inguva yekuti isu senhengo dzeparamende tione kuti mari idzi dzadzoswa,” vakadaro.

Vanoti kune varimi vane shungu dzekurima izvozvi vasina mikana yekuwana chikwereti chezvekurimisa nekuda kwekuti vamwe vakatadza kubhadhara zvikwereti zvavo kumabhanga nekumasangano akasiyana aivabatsira.

“Vamwe vaiva netsika yekuti vakapihwa fetereza yacho havaishandise zvakakodzera, izvi zvinokonzera kuti pahekita panofanirwa kuwanikwa matani 14 murimi anowana tani imwe chete chete saka nyika haigone kubudirira nenzira dzakadai idzi,” vakadaro. Vakarumbidza varimi vadiki vanosanganisira vakagariswa patsva nevekumaruwa avo vavakati ndivo vanokohwa chikamu chezvirimwa zvemuno zvinoita makumi masere kubva muzana.

“Imwe nyaya ndeye kuti manairo emvura asanduka nekuda kwemamiriro ekunze imwe nguva mvura inonaisa imwe nguva yorega, saka ngatishandei nenyanzvi uyewo torima zvirimwa zvinofambirana nematunhu edu,” vakadaro.

Zvakadaro, Cde Matangira vakati dura renyika reGrain Marketing Board rinofanirwa kutsigirwa zvakakwana neHurumende kuti rikwanise kubhadhara varimi vanenge vaendesa zvirimwa zvavo nenguva. VaPrince Kuipa vanova chief economist kusangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union vakatsinhira mashoko aCde Matangira ekuti varimi vanofanirwa kudzosera zvikwereti zvavanotora.

 

Share This:

Sponsored Links