Dzvi-i achirezvana nemusikana webasa

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
MESO-MESO anonzi akaparira mumwe murume uyo akarambwa nemudzimai wake mushure mekunge awanikidzwa achipanana rudo rwemumachira nemusikana webasa. Henry Macheka akazvuvira mukadzi wake, Chantal Macheka, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza asi ari iye akamuramba.

“Ishe wangu, mudzimai wangu akandiramba akaenda kumba kwavo nemidziyo yangu yose. Akauya pamba pangu ndisipo akatora midziyo yose asi achinyatsoziva kuti zvese takazviwana tiri pamwe chete. Mukadzi uyu ndakamupa mari yangu yakawanda yandakawana kuOld Mutual kuti atange kuita mabasa emawoko.

“Ndaivimba naye semudzimai wangu saka ndakamupa mari yose kuti atange bhisimusi zvakare takaroorana tikachata. Asi nhasi ondipandukira, ava kundiona serombe risina charinacho,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti Chantal anotaura zvekunyepa kuti akamuwana arere nemusikana webasa. “Dai dare randibatsira negwaro redziviriro kuti ndikwanise kuwanawo midziyo yangu zvakare mukadzi wangu ndichiri kumuda, ndinoshuvira kuti tigarisane zvakanaka tichichengeta vana vedu pamwe chete,” akadaro Henry.

Achipawo divi rake, Chantal akati akatora midziyo yose nekuti ndiye akaitenga murume wake achidya nyika rutivi.

“Baba ava havagarike navo, anoshusha zvakare haachengete mhuri yake. Kwemakore andagara nemurume uyu ndini ndanga ndichichengeta mhuri yose iye mari yake ichiperera kuvakadzi.

“Ndakamubata akarara nemusikana webasa asi haana kana kukwanisa kundikumbira ruregerero. Akatondirova achiti ndadzingirei musikana webasa. ” akadaro.

Mutongi Audrey Tarungarira akarasa chikumbiro chaHenry achiti hapana umboo hunoratidza kuti anorohwa kana kushungurudzwa asi kuti nyaya huru ndeyekuti vagovane midziyo yavo.

Share This:

Sponsored Links