Uncategorized

Dzvi-i aine chikomba parufu rwemurume

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Dzvi-i aine chikomba parufu rwemurume

Kwayedza

11092014KWA-MAI-HAR-05AKAVE mashura padunhu pane rimwe purazi rakagariswa vanhu patsva, reSam Levy, kuSunnyside kuNyabira, apo mumwe mukadzi anonzi akabatikidzwa aine chikomba parufu rwemurume wake.
Mai Clara Mupaso (32), vari kunzi vakawanikidzwa vaine chikomba ichi musi wavigwa murume wavo, Solomon Same Jokoniya, uyo anonzi akaita kuzviuraya.

Asi mudzimai uyu ari kuramba nyaya iyi achiti murume anonzi chikomba chake uyu ainge “angouyawo achitsvaga babamukuru”.

Mukoma wemushakabvu, VaDiva Jokoniya (38), vanoti vakashamiswa zvikuru kuti apo vanhu vainge vachangopedza kuviga munin’ina wavo, vakabva vabatikidza muramu wavo aine chikomba husiku.

“Hongu, munin’ina wangu anogona kunge akafa zvake nekuzviuraya asi dambudziko rangu rimwe chete, rekuti munguva inoita maawa matanhatu taviga mutumbi wemurume wake, ini mbune ndakazowanikidza muramu wangu kuma10 husiku aine chikomba mumba maairara nemurume wake. Pane mibvunzo panyaya iyi,” vakadaro.

“Murume wandakamuwana naye vari mumba anonzi Shereni, wemuno. Fungai vamwe vanhu vakawanda vakanga vaparara, kwasara amainini ava nevana chete. Ndakasvika pano ndokuwana Shereni agere kuseri kwedhoo kwavanorara. Pandakapinda, vaviri ava vakavhunduka murume uyu achibva asimuka paaiva agere achiti aitsvaga inini. Ndikashamiswa kuti aigotsvaga ini apo vanhu vaiziva kuti ndainge ndisipo,” vakadaro babamukuru ava.

Mudzimai uyu akaramba nyaya yaari kunenerwa iyi, kunyange zvazvo akabvuma kuti murume anonzi Shereni akawanikwa ari mumba make kuma10 husiku.

“Kunyepa kwavo babamukuru ava, ndivo vari kufamba vachiparidzira nhema kuti ini ndakabatwa nechikomba, Shereni. Chokwadi ini ndingadanane naShereni chaiye? Anondipa chii? Kana iye Diva wacho handimude, zvinondipa kusvipa izvi.

“Izvo zvevarume ndichazvidii wangu akafa? Pavakasvika vakawana tichangopedza kudya sadza naShereni nevana,” akadaro mukadzi uyu apo aidya marasha.

Mupurisa wemumusha uyu, VaJohn Majika (64), vanoti vanoda kuzogadzirisa nyaya yemunhu anonzi akabatikidzwa aine mudzimai uyu kuti vagomuendesa kwaShe Zvimba vedunhu iri.

“Chokwadi tingati here musi wavigwa chitunha chemurume totoita zvakadaro? Kana icho chikomba chacho kana chiri chokwadi hautye here uchiziva kuti taviga munhu nhasi? Zvakaoma, tichaona kuti toigadzirisa sei,” vakadaro.

Panguva yataurwa nyaya iyi kuvatori venhau, babamukuru naamainini ava vakapotsa vaita gumi rakadya vaviri apo vakatanga kupopotedzana.

Shereni haana kuonekwa kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey