Dzvii achida kubhinya kamwana

17 Jul, 2014 - 16:07 0 Views

Kwayedza

MURUME akange ashanyira imwe mhuri kuChitungwiza ndokuzoda kubata chibharo mwanasikana wepo ane makore 17 okuberekwa, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.
Muchuchisi Wilson Matsika akati Cecil Machena (20), uyo anogara kwaMuchona, kwaSeke, rimwe zuva risina kuzivikanwa, akashevedza mwanasikana wepamba paainge ashanya ndokumuti aida kuti anoperekedza shamwari yake yaive nepamuviri kumurume wayo.

Pavakabuda vofamba, Machena akaendesa mwana uyu nechekusango kwaive nemiti uyo akatanga kuti ainge oda kudzokera kumba sezvo ainge asingaone shamwari yake iyo yainge yanzi iri munzira.

Machena akabva atanga kumbunyikidza mwana uyu ndokumukurura nhumbi dzake iye akabva atanga kuridza mhere achishevedzera izvo zvakazoita kuti pasvike mumwe murume anonzi Taurai Mashongera uyo akamununura.
Machena akabva angoendeswa kumapurisa uye akabvuma mhosva yake mudare. Mutongi Masaiwona Shortgame akatongera Machena kugara mujeri kwemakore matatu.

Share This:

Sponsored Links