Uncategorized

E.D ogadzwa saPresident

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
E.D ogadzwa saPresident

Kwayedza

Patrick Shamba naTandayi Motsi —
MUTUNGAMIRIRI weZimbabwe mutsva, Cde Emmerson Dambudzo Mnangagwa (ED) vachagadzwa zviri pamutemo pachigaro ichi neChishanu chino.

Nhandare huru yeNational Sports Stadium iri kutarisirwa kuzara zvekufashukira nevanhu – vemuno nevekunze kwenyika – avo vachauya kuchiitiko chine nhorowondo ichi. Mashoko ekugadzwa kwaCde Mnangagwa akaziviswa nemutauriri weParamende, Advocate Jacob Mudenda nemusi weChitatu svondo rino apo vaitaura nevatori venhau muHarare.

Cde Mnangagwa vakasarudzwa kuti vatore chigaro ichi neZanu-PF Central Committee nemusi weSvondo wadarika uye kugadzwa kwavo kunotevera kusiya chigaro kwevaimbove mutungamiriri wenyika, mhare yeChimurenga Cde Robert Mugabe neChipiri chino.

R.G Mugabe

Cde Mugabe vakatungamirira hondo yeChimurenga iyo yakaunza hutongi hweruzhinji muZimbabwe muna1980.

Vachitaura neKwayedza, munyori mukuru mubazi rekufambiswa kwemashoko nenhepfenyuro, VaGeorge Charamba vanoti zvakangokosha kuti veruzhinji vacherechedze mabasa akaitwa naCde Mugabe kubva Zimbabwe isati yawana kuzvitonga kuzere kusvika pavazosiya basa.

“Zvakangokosha kuziva kuti VaMugabe vakabata mabasa makukutu – tingati ndibaba venyika, idzimu renyika uye mhare yeChimurenga – kuvapenyu nevakafa.

“Ukabatanidza zvitatu izvi, zvinokupa watingati mutupo wenyika. Ndiko kusaka musi uno VaMugabe vakati, ‘Vanhu ngavaende kuminda, tiite goho redu sekukura kwarainge rakaita mwaka wapera, tigorasa guhu rekuti tiri venzara’,” vanodaro VaCharamba.

Adv Mudenda vanoti dare reParamende rakazivisa Chief Secretary to the Office of President and Cabinet, Dr Misheck Sibanda nezvekusarudzwa kwaCde Mnangagwa kuitira kuti vatore matanho ekugadzwa kwavo zviri pamutemo.

Vachitaura, Advocate Mudenda vanoti ivo vakazadzikisa zvavanotarisirwa kuita pasi pebumbiro remutemo wenyika nekuzivisa kwavakaita nyika yose nezvekusiya chigaro kwaCde Mugabe.

Vanoti bato riri kutonga reZanu-PF rakavazivisawo zviri pamutemo kuti rakasarudza Cde Mnangagwa kuti vatsive Cde Mugabe semutungamiriri weZimbabwe.

Dr Sibanda, vanodaro Adv Mudenda, vari kutora matanho akakodzera ekuti Cde Mnangagwa vachigadzwe pachigaro zviri pamutemo.

Cde Mnangagwa vainge vabviswa pachigaro chavo chemutevedzeri wemutungamiriri wenyika pamwe nekudzingwa muZanu-PF masvondo maviri adarika – izvo zvakazorambwa nebato, richibva radzinga chikwata chevanhu vanonzi ndivo vanga vachikonzera nyonga-nyonga mumusangano, cheG40.

Nekuda kwezvange zvoitika mumusangano, mauto enyika eZimbabwe Defence Forces (ZDF) akazopindira nemusi weChitatu svondo rapera nechinangwa chekutanhaura nhubu dzange dzoshandisa mukana wekuva pedyo naCde Mugabe dziine chinangwa chekuti Zanu-PF zvose nenyika zvirasike gwara.

Share This:

Sponsored Links