Ebola inodya mazakwatira emari

09 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Ebola inodya mazakwatira emari

Kwayedza

MISHONGA iri kushandiswa mukurwisa kana kurapa chirwere cheEbola inonzi iri kudhura samare zvekuti hapana anoigona kuitenga kunyangwe kunyika dzakasimukira. Mumwe murapi wekuDallas, kuTexas kunyika yeUnited States, uyo akabatira chirwere ichi apo akange ari kurapa murwere, anonzi akazoonekwa kuti akange asisina Ebola mushure mekunge aparadza mazakwatira emari.

Nina Pham anonzi akapedza mazuva gumi nematatu ari muchipatara akabvisiswa mari inosvika US$110 000.

Kurapwa Ebola munhu anonzi anokwanisa kubvisa mari iri pakati peUS$6 000 – US$8 500 pazuva.

Mitengo yekurapwa iyi yakaziviswa nekambani yeLockton Global Insurance Company.

Kambani iyi, iyo inowanikwa munyika dzinosvika 17 pasi rose, inoti kana murwere achinge aiswa muIntensive Care Unit, anosungirwa kubvisa US$6 000 neUS$2 500 pazuva yekurapwa kwaanenge achiitwa.

Kumwe kurapwa uku kunosanganisira mari dzemachiremba, rutsigiro rwaanowaniswa (aggressive support therapy).

Mitengo iyi inogona kudarika apa sekutaura kwemumwe chiremba wekuUnited States, Eric Justin, uyo anove chief medical officer kuLockstons. Anoti kukwira kwemitengo yekurapwa uku kunogona kukonzerwa nezvimwe zvigozhero zvinogona kusanganikwa nazvo pamurwere, sekusashanda zvakanaka kweitsvo, kurasikirwa neropa rakawanda nezvimwe.

Thomas Eric Duncan, uyo akashaya nekuda kweEbola, akange ave pamuchina wekugeza itsvo wedialysis nekuda kwekuti dzakange dzisisashande zvakanaka.

Vanhu vangaabatsirika sei?

Iri ndiro dambudziko guru rekudhura kwekurapwa kwechirwere ichi chinova chakurumbira kunyika dziri kuWest Africa. Vanhu vakawanda kwazvo vari kurasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere ichi.

Kana idzo nyika dzakasimukira dzave kukundikana kurapa varwere vadzo nekuda kwekudhura uku, ko kuzoti kune dzimwe dzichiri kusimukira chii chinobuda?

Pave kuda mushandirapamwe pakati pevemakambani, dzihurumende nemasangano akazvimiririra kuti vange vachitsigira nyika dziri kutambudzwa nechirwere ichi nemari uye zvekudya.

Kunyika dzichiri kusimukira idzo dzisati dzave nacho, zvave kuda gadziriro yakasimba yekuti varwere vange vachibatsirwa pachena.

Ebola inounza matambudziko api?

Vanhu vari kufa nehuwandu hunotyisa zvinoita kuti nyika dzirasikirwe nevanoshanda mabasa akasiyana anosimudzira nyika.

Misha mizhinji yave kusara ave matongo uye nherera dziri kuramba dzichiwanda.

Nyaya dzerusarura dziri kuramba dzakadzika midzi kunyika dzine chirwere ichi.

Rusarura urwu rwuri kubvira kumhuri dzine varwere vachiri kurapwa apo vanhu vanoramba kusangana navo vachifunga kuti pamwe vanogona kutapurirwa Ebola. Rusarura kuvarapi, varapi vazhinji avo vari kubatsira varwere veEbola vari kusemwa neruzhinji apo vanodzoka kunharaunda kana muzvipatara zvavanoshanda.

Kuwanda kwemakuva kunoreva zvekare kuti nzvimbo dzinovigwa vanhu dziri kuita shoma munyika idzodzo. Makambani ari kurasikirwa nevashandi uye zvimwe zvikoro zvakatombomira kushanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey