Ebola nekodzero dzevanhu

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Ebola nekodzero dzevanhu

Kwayedza

MITEMO inoona nezvekodzero dzevanhu iri kuramba ichishanda here panguva iyo chirwere cheEbola chiri kubhebha kunyika dzakaita sedziri kudunhu reWest Africa? Nyika nenyika dzine mitemo yakasiyana inotevedzwa uye mitemo iyi haingosandurwe nyore.

Mimwe yemitemo iyi ndeye kodzero dzevanhu sekushanya kana kufamba vakasukunguka.

Zvino kana murwere weEbola akanzi ambochengetedzwa panzvimbo yaanenge asingaonanane neveruzhinji, uku hakusi kutyora kodzero dzake here?

Semuenzaniso, mumwe murapi wechidzimai anonzi Kaci Hickox uyo akange azvipira kuenda kunobatsira varwere vari kutambudzwa nechirwere cheEbola kuSierra Leone anonzi akazoona kodzero dzake dzave kumbunyikidzwa panhandare yeNewwak International Airport, New Jersey apo akavharirwa kwemazuva matatu zvisinei nekuti akange aonekwa asina zviratidzo zvechirwere ichi.

Hickox anonzi akadhonzwa nedzimwe nhengo dzechiuto akatenherwa asina chekudya, mvura kana dzimwe nzira dzekuti ange achitaurawo nehama dzake.

Izvi zvinonzi zvakamurwadza zvikuru nekuti zvakaitwa zvisinei nekuti akange ambovhenekwa akaonekwa asina chirwere cheEbola.

Mirawu yakatarwa nesangano reCentre for Disease Control and Prevention National Policy inoti munhu anenge achifungirwa kuti angangodaro aine Ebola anofanira kuongororwa kwemazuva 21.

Mumwe mubatsiri, uyo akange aenda kunobatsira kuWest Africa, Dr Craig Spencer, vanonzi vakaonekwa kuti vakange vave nechirwere ichi mushure mesvondo rimwe chete rekunoshandira kunyika dzine Ebola.

Zvinogoneka here kuti munhu anofungirwa kuti ane Ebola avharirwe kwemazuva 21?

Uyu ndiwo mubvunzo uchiri kushungurudza nyika zhinji idzo dziri kuda kuti chirwere ichi chisapinde munyika mavo.

Nyaya dzemitemo ine chekuita nekodzero dzevanhu yakaonekwa ichimutsa zvimhingamupinyi zvakawanda pamwe nekudzorera shure matanho ari kuedza kutorwa kuti chirwere ichi chiregere kutekeshera.

Share This:

Sponsored Links