Ebola nemadzimai akazvitakura

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
Ebola nemadzimai akazvitakura

Kwayedza

ZVISINEI nekuti chirwere cheEbola, icho kusvika pari zvino chauraya vanhu 7 000 kunyika dzekuWest Africa, chinogona kubata munhu wese, madzimai akazvitakura nevana ndivo vanowanikwa vachinyanya kushungurudzwa nacho.

Ongororo yakaitwa kune dzimwe nyika dzine chirwere ichi dzakadai seSierra Leone neLiberia inoratidza kuti zvipatara zvizhinji zviri kunzi zvave kuita dambudziko rekutiza kwevarapi, zvikuru kumawadhi ekusunungukira nekuda kwekuti varapi vari kutya kutapurirwa Ebola.

Vamwe varapi vari kunzi vari kutoramba kutambira madzimai akazvitakura izvo zvave kuita kuti vazhinji vacho vafire mudzimba uye vamwe vachipedzisira vosunungutswa nevanhu vasina kufundira basa.

Ongororo yakaitwa neUnited Nations Population Fund inoburitsa kuti dambudziko iri ratekeshera kuWest Africa kunova kwakadzika midzi chirwere ichi zvinova zviri kukonzera ndufu dzakawanda dzemadzimai akazvitakura nevana.

Sangano iri rinoti zviuru zvinodarika gumi zvemadzimai nevana vacharamba vachifa nekuda kweEbola kana matanho akadai sekuvakwa kwemamwe mawadhi ekusunungukira madzimai akasatorwa.

Mumwe nyamukuta wekuLove Winning Africa Hospital kuMonrovia, kuLiberia, Ester Kollen, anoti munguva pfupi yadarika madzimai matatu akafirwa nevana vachiri mudumbu ivo vakafawo nekuda kweEbola. Zvimwe zvipatara zvekusunungukira zveko zvinonzi zvakasvika panguva yekuramba kutambira madzimai akazvitakura zvichitevera kufa kwevamwe vananyamukuta avo vakange vabatira Ebola vari pabasa.

Madzimai aya anonzi akange achingobuda ropa muviri wese uye akatora masvondo maviri achirwadziwa nenhumbu asi vachishaya kwekunobatsirwa sezvo zvipatara zvaivadzosera kumba.

Sei madzimai akazvitakura?

Kana munhukadzi akazvitakura muviri wake unenge usingakwanise kurwisa zvirwere sezvinoitwa neuyo asina pamuviri.

Anokwanisa kutapurira chirwere chaanenge ainacho kumwana asati azvarwa kana pakusununguka.

Panguva inovhiiwa mudzimai achisununguka kana achinge aine Ebola, pane mukana wekurasikirwa neropa rakawanda uye ronda racho richinonoka kupora izvo zvinoita kuti agone kana kurasikirwa neupenyu. Mamwe madzimai akazvitakura anogona kusaenda kunosunungutswa kuchipatara vachitya kunotapurirwa Ebola. Zvakaonekwa zvekare kuti mumvura dzebutiro remwana munogona kuwanikwa muzere utachiona hweEbola. Ongororo yakaitwa nesangano reDisaster Emergency Committee (DEC) kunyika dzine Ebola inoratidza kuti pamadzimai masere akazvitakura, mumwe chete anogona kurasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere ichi.

Huwandu hwemadzimai nevana vanofa panguva yekusununguka hwakakwira nechikamu che15%.

Madzimai akazvitakura kunyika dzine Ebola ari kunzi anosunukunguka ari ega nekuda kwekuti vabatsiri vakazadzwa nekutya sezvo chirwere ichi chiri nyore kutapurirana kuburikidza nemvura dzemumuviri.

Pasi rose varapi vanosvika 549 vanonzi vakabatira chirwere ichi vari pabasa uye 311 vakatorasikirwa neupenyu.

Zvii zvingaitwe?

Pari zvino masangano akadai seWorld Health Organisation, Unicef neSave the Children akakumikidza mutemo uyo uri kubatsira madzimai kuti ange achisunungutswa nenzira dzine utano muzvipatara nemakirinika pasina kutya kutapurirana Ebola. Zvipatara nemakirinika zvinofanira kuwaniswa zvekushandisa zvakakwana kumawadhi ekusunungukira zvakadai semishonga yeChlorine, magirovhosi, magogorosi, mahovhorosi nezvimwe zvinoita kuti varapi nevarwere vange vakachengetedzeka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey