‘Ecd hwaro hwedzidzo yemwana’

07 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu naLizzy Mushoriwa —
VAKURU vezvikoro nevarairidzi vari kukurudzirwa kuti vaumbe hwaro hwakasimba hwedzidzo yevana apo vanenge vari mumagwaro ekutanga eECD sezvo izvi zvichivabatsira zvikuru mukuwana gwara ravanotevedza kusvikira pavanopedza fundo yavo.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaPeter Muzawazi, avo vakafanobata chigaro chaprincipal director (Primary, secondary and non-formal education) kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari apo vaitaura pamhemberero dzeMbare-Hatfield District Merit Awards idzo dzakaitirwa paGirls High School, muHarare svondo rapera.

“Kudzidza kwevana kubva kupuraimari kusvika kusekondari kunofanira kurongwa zvakanaka nekuti ndipo panoumbwa mwana kuti ave nezivo pamwe chete nehunyanzvi hwakakwana uhwo hunoita kuti azopedza chikoro aine chaanogona kumuraramisa. Ibasa revakuru vezvikoro nevadzidzisi kuona kuti vana vari kuwana dzidzo yakakwana uye inoburitsa mwana ane hunyanzvi mune ramangwana,” vanodaro VaMuzawazi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Sedonzvo reNew Curriculum 2015-2022 neEducation Sector Strategic Plan 2016-2020, dzidzo yakanaka inowanikwa kana mwana akatanga kufunda nezera chairo. Izvi zviri kugoneka kuburikidza nezvidzidzo zveECD, izvo zvava kutangira paECD A neB mwana asati atanga Grade 1.

“Zvisinei, pachiri nedambudziko rekuti vana vazhinji muzvikoro zvemumadhorobha havasati vava kuwana nzvimbo dzekuti vadzidze padanho reECD uye kumwe hakusati kwave nevadzidzisi vakadzidzira basa iri.

“Sebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, tiri kushanda nesimba kuti dzidzo yevana vachiri kutanga kufunda isimbaradzwe nekuti ndiyo ine hwaro hwedzidzo yose.”

VaMuzawazi vanoti bazi ravo riri kushandawo nesimba mukuvandudza dzidzo yevana vakaremara mitezo.

Vanoti kune vamwe vana vanosiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, avo vanofanirwa kuzopihwa mimwe mikana yekudzidza.

“Kuburwa kwechirongwa cheNon-Formal Education Policy inzira yekuti vaya vakasiira chikoro panzira, kunyanya nekuroora kana kuroorwa – pakati pezvimwe zvikonzero – vawane mukana wekudzokorora zvidzidzo zvavo. Kurudziro ndeyekuti zvikoro zvinofanira kupa vakadai mukana wekuti vadzidze zvakare. Itarisiro yeduwo kuti zvikoro zvitore vadzidzi vakafundira basa kwete vanopinda basa nechikiribidi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naDistrict Schools Inspector veMbare-Hatfield, VaAbsolom Chinoona, vachiti vanoshuvira kuti dunhu ravo rifambirane nezvirongwa zvebazi redzidzo.

“Gungano rataita iri rinoratidza kuti muzvikoro muri kushandwa nesimba. Ndinoda kukurudzira zvikoro kuti zvirambe zvakashinga mukuvandudza dzidzo pamwe chete nehunyanzvi muvana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey