English Paper 2 yaunza mitauro…zimsec ndiyo honzeri’ ‘Vana ngavanyorezve’

20 Feb, 2018 - 11:02 0 Views
English Paper 2 yaunza mitauro…zimsec ndiyo honzeri’ ‘Vana ngavanyorezve’ Native Mavhiza

Kwayedza

Malvern Mugadzikwa naGamuchirai Muzanenhamu
VAMWE vabereki nevana vechikoro vanoti vanotsigira danho rakatorwa neHurumende rekuti vana veO-Level vegore rapera vanyore patsva bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) English Paper 2 zvichitevera ongororo yakabuda iyo inoratidza kuti pane vamwe vakabiridzira nekuona bepa rebvunzo idzi dzisati dzanyorwa.

Hurumende svondo rapera yakati vadzidzi veO-Level vachanyora bvunzo idzi zvakare nemusi weChishanu chino (16 Kurume) inove nyaya yakonzera mitauro yakawanda neveruzhinji.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti vana vanofanirwa kunyora bvunzo idzi zvakare zvichitevera kubiridzira kwakanyanya kwakaitwa nevamwe uye izvi zvakaonekwa paimakwa bvunzo dzeEnglish Paper 2.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vabereki nevana vechikoro avo vari kutsigira danho rakatorwa neHurumende rekuti vana vanyore patsva bvunzo idzi.

Leeroy Ndemandema

Shirly Jacob (19) wemuHarare anoti hazvina kuipa kuti vana vanyore zvakare nekuti kupasa kwemwana anenge aonera bepa rebvunzo hakubatsire.

“Pakakanganiswa ipapo, bepa harifanirwe kuonekwa risati ranyorwa nekuti hazvibatsire kuti mwana apase iye asina chaanoziva, zvinozomunetsa mangwana. Bvunzo zvinoreva kuti mwana ari kupinda muzama asingazive zvaachabvunzwa. Manje kana mwana ava kupinda achiziva mhinduro dzese dziri kudiwa nezama zvava kuratidza chitsotsi nechikiribidi chakanyanya.

“Zvinodawo kuti chero vana vakanyora zvavo kechipiri paongororwe kuti mapepa aya ari kuzoonekwa sei asati anyorwa nekuti zvave kushoresa kanzuru yeZimsec pamwe nedzidzo yedu senyika,” anodaro.

Leeroy Mendamenda, uyo ari kuita Form 4 pane chimwe chikoro muHarare, anoti chiRungu chakakosha naizvozvo hachisi chidzidzo chekuita dambe nacho.

“Pakutsvaga nzvimbo dzechikoro pamwe nemabasa mazhinji, panobvunzwa chidzidzo chechiRungu zvinova zvinoratidza kukosha kwacho. Kuvapo kwerunyerekupe rwekuti bepa raonerwa zvinoreva kuti vana vava kufanira kudzokorora kunyora ndokuti chidzidzo ichi chirambe chine huremu hwachagara chinahwo.

“Ndinofunga kuti kuwirirana kwevamwe vanhu vanoshanda kuZimsec neveruzhinji kana nehama dzavo ndiko kuri kuita kuti bvunzo dzionekwe nekushambadzwa dzisati dzanyorwa. Izvi zviri kubva zvakanganisa bvunzo dzedu nekuderedza kukosha kwadzo,” anodaro Mendamenda.

Shirly Jacob

Kuchiti Andrew Mambochuma anoti ari kushamisika kuti pakambobuda nyaya iyi vana vachiri kunyora bvuzo gore rapera Zimsec yakazviramba kuti paive nevamwe vaive vaona bepa rebvunzo iri risati ranyorwa.

“Chiri kundishamisa ndechekuti gore rapera pakanzi bepa ravhurirwa Zimsec yakazviramba ichiti hakuna zvakadaro. Vakamaka mapepa ndokupedza kwava kuzoti pava paya bepa ngarinyorwe patsva. Vava kutambisa mari dzevabereki nekuti panodiwa mari dzakawanda dzekuti vana vadzokere kuzvikoro kwavakanyorera vatangidze kunyore nevamwe vanga vari kunze kwenyika.

“Mubvunzo wangu ndewekuti chii chazosanduka chava kuita kuti vade kunyoresa vana rimwe bepa uye ndezvipi zvavakaita kuti bepa ravari kuda kunyoresa vana risabude zvakare?” anodaro.

Muzvare Eunice Gora vekuZimunya, kwaMutare, vanoti kare zvaisavako zvekuti mapepa ebvunzo anoonekwa asati anyorwa.

“Tiri kunzwa nevamwe kuti bepa iri rakafamba pamaWhatsApp nemaFacebook risati ranyorwa. Zvose izvi zvakakonzereswa nenhubu dzakaonera bepa ndokutanga kurifambisa. Kune vamwe vana vasingazivi zvose izvi vava kungonyoreswawo nevamwe vasina chavanoziva.

“Vakuru vanoona nezvekunyorwa kwebvunzo ngavarongeke kuti zvinhu zvakadai zvidzivirirwe nekuti zvinokanganisa ramangwana revana,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaNative Mavhiza vachiti Zimsec ndiyo honzeri yekuti mapepa ebvunzo abude nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana.

“Nyaya dzose idzi dziri kutangira kuZimsec, ndivo vasiri kugadzirisa mafambisirwo ekunyorwa kwebvunzo anoita kuti dzisaonekwe dzisati dzanyorwa. Kune vari kutora mukana wekushanda ikoko vachiburitsa mapepa ebvunzo nekuita mari naizvozvo. Vanhu ava havana kusiyana nembavha saka kana vakabatwa ngavavharirwe mumajere nekuti vari kukonzeresa kuti vana vanzi vanyore patsva kudai?

“Zvisinei, vana vanofanirwa kunyora nekuti hazvibatsire kuti vanzi vapasa bvunzo asi vazhinji vacho vakaonera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>