Ethiopia yotungamira mumujaho

13 Mar, 2015 - 13:03 0 Views
Ethiopia yotungamira mumujaho

Kwayedza

TINOZIVA nyika yeEthiopia ichibura shasha yekumhanya murume ane mukurumbira wekusiya mhepo ari Haile Gebrselassie uyo akaberekwa mugore ra1973.Gebrselassie akwahwina menduru yegoridhe kaviri kumaOlympics, akahwina goridhe zvakare kanokwana kana kuWorld Championship pamwe nekuBerlin Marathon.

KuDubai akahwinha katatu uye kumijawo inoitirwa mumba (world indoor) World Half Marathon Champion akaisa goridhe muhomwe kana zvakare.

Mimwe mijawo midiki iyi hatichataura anotsvaira vanhu vaanenge achikwikwidza navo.

Zvakadaro, gore rino Ethiopia yakunda nyika dzose pasi rose mukurwisa utachiona hweHIV.

Ethiopia yakapinda muGuiness World Record nechiitiko ichi, UNAIDS yakazivisa.

Mugore ra2014, vachigadzirira zuva reWorld Aids Day, vanhu vanosvika 3 383 vakakurudzirwa vakaongororwa ropa mukati mezuva rimwe. Tikati mukati mezuva rimwe tinenge tatonyepa izvi zvakaitika mumaawa masere kuGambella National Stadium munzvimbo yeGambella.

Hurumende yeEthiopia, ichikutwa nesangano reUNAIDS, vakakwanisa kuti mhomho iyi izive mamiriro ayo nenhau yeutachiona hweHIV.

“Donzvo redu raive rekuti vagari vekuGambella vazive mamiriro avo uye kuti vanenge vawanikwa vaine utachiona vakwanise kuiswa pachirongwa chemaARV kana zvaikodzera kuti vatange kunwa mishonga,” UNADIS yakazivisa.

Shoko rekukoka vanhu rakashambadzwa kuburikidza neredhiyo, terevhizheni, tsamba dzekunamira kumadziro uye mitambo nekuimba. Vakashandisawo vatungamiri mumisha, masadunhu, vatungamiri vemakereke, mauto nemapurisa uye hofisi yemutungamiri wedunhu reGambella.

Dunhu reGambella ndiro rine utachiona hweHIV hutsva hwakanyanya huri kutapuriranwa uho hunonzi pachirungu prevalence rate chinova chikamu che6,5% muvanhu vakuru, izvi zvakabuda mugwaro re2011 Ethiopia Demographic Health Survey. Ndirozve dunhu rine vanhu vakawanda vanorarama neutachiona hweHIV.

“Gambella ine mapurazi, migodhi uye ine nzira zhinji dzinosangana imomo dzinoenda kuSouth Sudan nekuchamhembe kweEthiopia zvinoreva bishi nebesanwa revanhu munzvimbo iyi. Basa remadzimai anorara nevanhu kutsvaga mari rizerewo mudunhu iri naizvozvo zvakaonekwa zvakakodzera kuti kuitwe basa sebasa mudunhu iri,” yakadaro UNAIDS.

“Vanhu vakadzidziswa vasati vaongororwa vachizodzidziswazve kunyangwe vaonekwa vaine utachiona kana kuti vasina. Vainge vaonekwa vaine utachiona vaiziviswa kuti hakusi kupera kweupenyu naizvozvo vainzi vapfuurire mberi kumakiriniki ari pedyo navo kunopiwa rubatsiro ruzere.”

Nyika yanga iine mukombe muGuinness World Record yanga iri Argentina iyo yakashura mare mugore ra2012 muna Mbudzi apo vanhu 1 380 vakaongororwa kuti havana utachiona hweHIV here mumaawa masere zvakare.

Warren Naamara, uyo anove UNAIDS Country Director kuEthiopia, akatenda vanhu vakatsigira chirongwa ichi.

“Kudzidziswa kwaitwa vanhu nekuongororwa ropa kwaitwa muGambella kwarakidza hunyanzvi hwepamusoro. Tichitarisana negwara re90-90 rekupedza denda reHIV vanhu vakaziva mamiriro avo tinosvika. Kune vanenge vaziva kuti vane utachiona vanopfuurira mberi kunobatsirwa kuzvipatara nemakiriniki,” akadaro Naamara.

Vanhu 820 000 vanorarama neutachiona hweHIV munyika yeEthiopia.

Nyika iyi vanhu 96 miriyoni uye ndiyo iri pechipiri muAfrica muhuwandu hwevanhu mushure meNigeria iyo ine 178 516 904 miriyoni.

Zvino Ethiopia ine huwandu hwakadai kana isingasvike miriyoni kuvanhu vanorarama neutachiona isu muZimbabwe ngatitarisei matsimba edu tigadzirise patiri kurasika.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>