EU yotsigira kurima ne$600000

05 Feb, 2015 - 16:02 0 Views
EU yotsigira kurima ne$600000

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reEuropean Union rakapa rubatsiro rwemotokari 13, midhudhudhu 30, makombiyuta nemimwe midziyo yekurimisa inokosha US$600 000 kubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro munguva pfupi yadarika.

Rutsigiro urwu rwuchabatsira mabhindauko ayo achange achikotsverwa nesangano reFood and Agriculture Organisation (FAO) nechinangwa chekubatsira kuwanikwa kwezvekudya munyika.

Mabhindauko ari kutarisirwa kuitwa nemari iyi anosanganisira kugadzirwa kwemadiridziro makumi maviri anozodiridza mahekita 1 000 kumatunhu eManicaland neMatabeleland South, chirongwa chekuchengetedza zvipfuyo kuvarimi 40 000 vari kuMatabeleland North uye kuwanikwa kwekudya kunovaka muviri.

Vachitaura vakamiririra gurukota rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, munyori mukuru kubazi iri Cde Ringson Chitsiko vakati chikamu chinodarika 70 percent chevanhu vari kumaruwa vanopona nekurima uye madzimai anotora chikamu che60 percent chevarimi.

“Izvi zvinoreva kuti vanhu vari kumaruwa vanofanira kutsigirwa zvakanyanya munyaya dzekurima. Midziyo iyi inofanira kutsigira varimi vadiki vari kumaruwa, zvikuru mumabhindauko emadiridziro nekuchengetedzwa kwezvipfuyo,” vakadaro.

Dr Made vakati vari kushushikana zvikuru nematanbudziko ari kusanganikwa nawo muchikamu chekurima. “Tinoda kuti tive nekurima kune pundutso uye kunoendeka kuti tisimudzire misika zvinova zvinoita kuti mitengo yezvirimwa inge yakadererawo,” vakadaro.

Vakati zvirongwa zvese izvi zvinofambirana nezvinangwa zveHurumende zvekuvandudza hupfumi hwenyika pasi pechirongwa cheZimAsset izvo zvinoita kuti Zimbabwe iwane kudya kwakakwana uye kune utano.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Ambassador weEU kuZimbabwe, VaPhillipe Van Damme vakati midziyo iyi ichabatsira muzvirongwa zvese zvekurima zvinova zvichasimudzira upfumi hwenyika.

Sangano reEU neFAO zvine kudyidzana kwakakura munyaya dzekusimudzira kurima muZimbabwe.

EU iri kutsigira nyika ino pasi pechirongwa che11th European Development Fund nehomwe yeUS$110 miriyoni kusvikira mugore ra2020.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey