Fabregas akachemera vatsigiri

0

CESC Fabregas achiri mutambi weChelsea kunyangwe hake akawonekana nevatsigiri vechikwata ichi musi weMugovera wadarika sezvo chikwata chake chinoda kutanga chatenga mumwe mutambi chisati chamusiya achienda.Chizvarwa chekuSpain ichi chakaburitsa misodzi apo chaitenda vatsigiri mushure mekunge atambira chikwata chake icho chakakunda Nottingham Forest achigadzirira kuenda kuMonaco.

Kondirakiti yakatogadzirwa pakati paFabregas nechikwata chekuLigue 1 ichi asi mutambi uyu akadzokera kuzotirena kuCobham sezvo kuenda kwake kwambomiswa.

Chelsea iri kuvimba kuti inogona kutenga vatambi vanoti Nicolo Barella weCagliari kana kuti Leandro Parades weZenit Saint Petersburg svondo rino risati radarika, uye haisi kuzosiya Fabregas achienda vasati vamutsiva.

Maneja wemaBlues, Maurizio Sarri, akaudza chikwata chake kuti chitenge mumwe mutambi mwedzi uno kana chafunga kutengesa Fabregas.

Fabregas – uyo akahwina mikombe miviri yePremier League neChelsea – akabvuma kondirakiti yemakore matatu kuMonaco asi anogona kuzoenda mahara panopera mwaka uno hunge kana chikwata chake chikakundikana kutsvaga mumwe mutambi wekumutsiva  mwedzi uno.

Sekutaura kweL’Equipe, Fabregas akatotorwa mifananidzo neMonaco yekushandisa apo vachamuparura kuchikwata ichi uye musi weMuvhuro uno aifanirwa kunoongororwa nanachiremba asi zvakambomiswa neChelsea.

Kusiya Fabregas achienda kuMonaco iye zvino mahara kuchabatsira Chelsea kuchengetedza mari yakawanda inodarika 10 miriyoni paunzi inosanganisira yekuhora uye nebhonasi, asi mumwe mutambi wekumutsiva haambouye akachipa. – SportsMail Football

 

Share.

About Author