Fall armyworm yorongerwa

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Fall armyworm yorongerwa Dambudziko remakonye efall armyworm rakarura munyika muno kubvira gore rapera apo akakanganisa goho mumatunhu ose.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Chikamu chinoona nezvekuchengetedzwa kwezvirimwa chePlant Protection Research Institute (PPRI) – icho chiri pasi pebazi rezvekurima – chinoti chakatanga chirongwa chekudzidzisa madhumeni kuti abatsirane nevarimi mukucherechedza pamwe nekudzivirira makonye efall armyworm senzira yekuderedza kuparadzwa kuri kuitwa zvirimwa.

Dambudziko remakonye efall armyworm rakarura munyika muno kubvira gore rapera apo akakanganisa goho mumatunhu ose. Ongororo yakaitwa nechikamu chePRR1 inotaridza kuti kune mamwe makonye netwumbuyu twuri kuparadza goho, zvikuru sei rechibage, kunze kwefall armyworm.

VaShingirayi Nyamutukwa vanove muongorori (researcher) kuPRRI vanotsinhira nezvekuparadzwa kuri kuitwa zvirimwa nemakonye efall armyworm asi vanoti kune mamwe makonye netwumbuyu twakagara twuriko turi kuparadza zvirimwa.

“Makonye netwumbuyu utwu kana zvikasadzivirirwa nenguva zvinoparadza goho zvakaipisisa. Tiri kufundisa madhumeni nezvemakonye efall armyworm kuitira kuti vakwanise kucherechedza makonye iwayo uye kuti anobereka nenzira ipi kuitira kuti titsvake nzira kwadzo dzekudzivirira. Zvinhu zvinorwadza kuti vamwe varimi havasati vava kuziva nezvemakonye efall armyworm nokudaro vave kuti pese panoparadzwa goho ravo netwumwe twumbuyu vanenge vachingoti ifall armyworm. Kutadza kuziva mhando yetwupukanana twunenge twuri kuparadza goho kunoita kuti varimi vashandise mishonga isiri iyo mukudzivirira,” vanodaro.

VaNyamutukwa vanoti bazi ravo rine mishonga yakawanda yekurwisa udyi hwezvirimwa uye kune zvikwata zviri kuita ongororo kumatunhu akasiyana.

“Zvakakosha kuti varimi varwise makonye netwumbuyu twunoparadza goho ravo twuchiri twudiki. Vanamudhumeni vachafundisa varimi nzira kwadzo dzekurwisa makonye aya,” vanodaro.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezveminda, kurima nekusimudzirwa kwemaruwa VaDavis Marapira, nguva yadarika vakakurudzirawo varimi kuti vaongorore zvirimwa zvavo kuti vaone mhando yetwumbuyu kuti twudzivirirwe nenguva.

“Varimi vanofanira kukwasha rubatsiro kubva kumadhumeni, havafaniri kungoshandisa chero mishonga yavanenge vawana nekuti zvinoita kuti twumbuyu kana makonye anenge aripo ave anokundikana kurwiswa nemishonga iyo inogona kuparadza zvirimwa nenharaunda,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links