Uncategorized

Fambai zvichakanaka: Zinatha

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti murume wekuCentenary, uyo anoti akaona varoyi vachiita musangano pamusha pake, anofanirwa kutsvaga muchivanhu zvinoreva mashura aya nechinangwa chekuti musha wake uchenurwe kubva kune zvakaitika izvi.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano ren’anga nemaporofita, reZinatha, vanoti izvi zvinoitika uye zviri pachena kuti maminimini akaonekwa naVaPeter Henry Masenda (64 mabasa ehuroyi.

“Baba ava vane mhanza yekuti vachiri vapenyu nekuti vangai vakafa ipapo, kusiyiwa chave chireva kana kuitwa zungairwa. Asi zvino muroyi akazivikanwa haazvide, anodzoka chete, vanouya vasimba nevakuru vavo. Vachakokorodzana vodzoka,” vakadaro VaKandiyero.

Vanoti VaMasenda zvavakaona zvishoma sezvo vakuru vevaroyi ava vaivepo vakavanza zvakawanda kwavari.

“Vanasikana vadiki vaionekwa vakabereka vana ava zvaiva zvidhoma uye vanhu vavaiona vasina makumbo nevamwe vaingova nemisoro chete zvikwambo. Zvinotoda kuti mhuri iyi ibatsirwe nekugezeswa kuti hunye hwevaroyi ava hubve pamusha apa.”

VaKandiyero vanoti zvaionekwa naVaMasenda zvaitoitika panguva iyi kwete zvekuti vairwara.

“Hatidi kuti tizonzwa kuti vanhu ava vatama musha nekuda kwenyaya dzakadai idzi, ngavatsvage vanachiremba vechivanhu vane matsamba vobatsirwa ikoko kana kuno kuHarare kana kuridza nhare kumahofisi eZinatha,” vanodaro. VaGivemore Gava (50) vekuNyamakate, kuKariba, avo vanozivawo nezvechivanhu, vanoti musha waVaMasenda unoda kugadziriswa zvichitevera manenji avakasangana nawo aya.

“Mhuri iyi ngaifambe zvichakanaka, ihondo yavatarisana nayo nekuti havachada kuonekwa munzvimbo iyi, ngavatsvage rubatsiro,” vakadaro.

Vanokwanisa kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzaVaMasenda dzinoti 0774 004 673 kana 0772 294 410.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey