FAO yotsigira kurima neus$4m

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
FAO yotsigira kurima neus$4m

Kwayedza

SANGANO reFood and Agriculture Organisation, kuburikidza nehomwe yaro yeAfrica Solidarity Trust Fund, rakapa US$4 miriyoni kubazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro yekubatsira mukurwisa zvirwere zvezvipfuyo pamwe netumbuyu tunokanganisa goho rezvirimwa.

Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi svondo rapera muHarare, murongi mukuru kusangano reFAO, VaDavid Phiri, vakati mari iyi ichabatsira varimi zvikuru.

“Izvi zvichabatsira mukuderedza nyaya dzekukanganiswa kwegoho nekuda kwezvirwere uye tumbuyu. Kuwanda kwezvirwere kunokanganisa indasitiri yekurima pamwe nezvipfuyo,” vakadaro.

Vakati mari iyi ichashandiswa zvekare mukugadzirisa madhibhi nekuvaka nzvimbo dzekubaisira zvipfuyo majikiseni ekurwisa zvirwere.

“Budiriro munyaya dzekurima nekuchengetedzwa kwezvipfuyo iri kuderera nekuda kwekuoma kweupfumi hwenyika nokudaro nyika ikaramba ichiwaniswa rutsigiro rwakadai zvinofamba,” vakadaro.

Munyori mukuru kubazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, vakatenda masangano akaita seFAO nekubatsira kwaari kuita kusimudzira mabasa ekurima munyika.

“Tinoda kuti tizadzikise zvinangwa zvedu zvegore ra2015 uye ZimAsset mukutsigira nyika yedu nekurima nekuchengeta zvipfuyo nekuti ndizvo zvinomutsa mabasa ayo anodzinga nzara munyika,” vakadaro. Vakati Zimbabwe inoshanda nedzimwe nyika mukurwisa zvirwere (migratory pests and diseases) nedonzvo rekudzivirira kupararira kwazvo.

Musangano uyu wakapindwa nenhengo dzeFAO idzo dzakabva kunyika dzekunyika dzinosanganisira Zinmbabwe, Angola, Malawi neMozambique pamwe nenyanzvi dzinoona nezvekurwiswa kwezvirwere zvezvipfuyo nezvirimwa.

Share This:

Sponsored Links