Farirai kuverenga: Shumba

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Farirai kuverenga: Shumba VaShumba

Kwayedza

Daphne Machiri
VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vafarire kuverenga mabhuku senzira yekusimudzira dzidzo yavo uyewo nekuti vave neruzivo pamusoro pezvinhu zvakasiyana.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, pamusangano wechirongwa chekukurudzira kuverenga, cheReading Thrust Programme, icho chakapindwa nemaDistrict School Inspectors kwaMutare svondo rapera.

VaShumba vanoti chirongwa chekuverenga chakakosha kuvana vechikoro.

“Isu sedunhu reManicaland, takaona kuti kuverenga itsika yakanaka kuvana vechikoro, zvikuru kutangira pagwaro reECD kusvika kuA-Level,” vanodaro.

Vanoti muchirongwa chekuverengwa kwemabhuku ichi, zvikoro zviri kushanda pamwe chete nechikamu cheBetter Schools Programme Zimbabwe (BSPZ).

“Nyaya yavepo ndeyekuti mabhuku ekuverenga ange aripo uye nekufamba kwenguva tichange tave kuita makwikwi kubva muzvikoro, toenda padistrict kusvika kudanho repurovhinzi tichiona kuti vana vave kukwanisa kuverenga zvakadii,” vanodaro VaShumba.

Vanoenderera mberi vachiti, “MaDistrict Schools Inspector vachange vachitenderera muzvikoro vachiona mafambiro echirongwa ichi nekuona zvimwe zvinodiwa kuti chisimukire. Tichabatsirwa neveBSPZ mukutiwanisa zvinodiwa nevadzidzisi vachange vachiitisa zvidzidzo zvekuverenga.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey