Fodya yakapiswa nemushonga

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Fodya yakapiswa nemushonga Fodya isati yapiswa nemushonga wesora

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Vamwe varimi vekuLinton Farm kuCentenary, kuMuzarabani South, vanoti vakarasikirwa nemahekita matatu efodya zvichitevera kutsva kwakaita chirimwa chavo mushure mekunge chafiritwa nemushonga wesora nemunhu asina kuzivikanwa.

Mumwe wevarimi ava, VaVengai Dzinoshanda, vanoti vakashamiswa zvikuru nguva pfupi yadarika apo vakafumoona fodya yavo yakapiswa nemushonga wesora.

“Fodya yedu yakafuma yakarukutika mushure mekunge yamwaiwa mushonga wesora nemumwe munhu. Minda yatiri kurima kuno takangoita zvekupanana haina muridzi saka tinoshaya kuti ndiani akapindwa nemweya werudzi uyu kuti asvike pakuita izvi,” vanodaro VaDzinoshanda.

Vanoti vakange vave kutarisira kuisa feteraiza yemhando yeAmmonium Nitrate apo pakazoitika tsekwende iyi.

Fodya mushure mekupiswa nemushonga wesora

“Kutaura chokwadi takafira mafufu segonzo, tiri varimi vatatu vairima mumunda uyu saka zvinorwadza kungofuma munda wakaparadzwa seizvi. Fodya yedu yakanga yava nemazishizha mahombe anoyevedza zvekuti takange tava kutarisira kuzoikohwa kuti igova iyo inotanga kuenda kumisika. Izvi zvaizotibatsirawo kuti tiwane mari dzekuendesa vana kuchikoro nekuriritira mhuri asi zvakaramba,” vanodaro.

VaDzinoshanda vanoti vamwe vavanobatsirana navo kurima munda uyu ndiVaKudzanai Katurura naVaEdward Nyasha. Zvakadai, kurimwa kwefodya kwakakosha zvikuru munyika ino sezvo kuchibatsira mukuwanikwa kwemari yekunze pamwe nekumutsiridzwa kwemahindasitiri zvichipawo mabasa kune veruzhinji.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey