Fodya yakawanda yakatengeswa

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Fodya yakawanda yakatengeswa Kambani yeTobacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti fodya yatengeswa kumisika yakasiyana kubva mwaka wekutengesa chirimwa ichi uchitanga inosvika 562 884 kgs ichikosha $1 468 474 iyo inova yakawedzera kana zvichienzaniswa neyakatengeswa panguva imwe chete gore rapera.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti fodya yatengeswa kumisika yakasiyana kubva mwaka wekutengesa chirimwa ichi uchitanga kusvika parizvino inosvika 167 135 856 kgs ichikosha $483 698 575 iyo inova yakawedzera kana zvichienzaniswa neyakatengeswa panguva imwe chete gore rapera.

TIMB inoti mwaka wadarika panguva imwe chete, fodya yaiva yatengeswa yaiva 139 426 614 kgs ichikosha $400 611 738.
Kambani iyi inoti zvinotaridza kuti mwaka uno fodya iri kukurumidza kuunzwa kumisika kana zvichienzaniswa newapera.
Misika inotengesa fodya munyika muno inosanganisira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Premier Tobacco Auction Floors (PTF) neTobacco Sales Floor (TSF).

Zvakadai, pafodya yatengeswa kusvika parizvino yaive mumabhero 2 179 492 asi mamwe 106 051 ndokurambwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Mutauriri wekambani yeTIMB, VaSheunesu Moyo, vanoti vanoyambira varimi vose kuti vasiyane nekusanganisa fodya yavo nezvimwe zvinhu kana vachida kuti isanoita matambudziko pakunoitengesa.

“Kune fodya inorambwa kumisika yedu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo tinokurudzira varimi vedu kuti vatevedze mitemo yose inodiwa mukurimwa nekutengeswa kwefodya. Fodya yedu inofanirwa kuoma zvakakwana, yorega kuva nehunyoro uyewo kune vanoda kuwedzera uwandu hwekurema kwefodya yavo nekuisa zvimwe zvinhu mukati memabhero.

Izvi zvinoonekwa hapana chitsotsi ipapo saka munozoona kuti varimi vanozomiswa kwenguva yakareba vari kumisika vave kugadziridza fodya yavo kuti iite zvinodiwa,” vanodaro.

Mwaka uno, fodya iri kutengwa nemutengo wepamusoro iri kuita $5,35 pakg izvo zvinonzi zvakaitika kamwe chete kumusika mutsva weBoka Auction Floors wekwaRusape, kuchiti kumwe kwese iri kugumira pa$4,99 pakg uyewo mutengo wepasi uri $0,10c pakg.

Sangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti rinorumbidza zvikuru kuvambwa kwemimwe misika kune mamwe matunhu richiti danho iri rinorerutsira varimi panyaya yekudhurirwa nezvifambiso apo vanenge vachida kuenda kuHarare chete kunotengeswa fodya yavo.

VaPaul Zakariya vanova ZFU executive director vanoti, “Varimi vose vekuManicaland havasisina dambudziko rekutengesa fodya yavo sezvo Boka yakavhura musika mudhorobha reRusape. Tinokurudzira kuvhurwa kwemimwe misika yakawanda kune mamwe matunhu.”

Mai Chido Boka Nyakudya vanova managing director weBTF vanoti vane hurongwa hwekuvhura mimwe misika inotenga fodya kunzvimbo dzakasiyana munyika kuitira kurerutsira varimi.

“Izvozvi varimi vedu havachauya kuHarare kubva kuManicaland vamwe vanongoenda kumusika nengoro chaidzo nemombe, vatengerwa votenga zvinhu zvavanoda vodzokera kumusha pasina kuhaya motokari nemari yakawanda,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey