Foni yekuba yamupfukira

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Foni yekuba yamupfukira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKOMANA wechidiki wekuChitungwiza, uyo akaba nharembozha yemuridzi mukombi, ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare kuti anofondoka pasina mubhadharo. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts, Takunda Mutetwa, akapa Tafadzwa Chikosha (20) wepanhamba 61 Dziva Street, Zengeza 1, chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu ndokuzomubvisira mwedzi mitatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mimwe mwedzi mitatu yainge yasara yakabviswa zvakare paine chitsidzo chekuti Tafadzwa anofondoka kwemaawa 105 paZengeza 7 Primary School.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa17 Chikumi gore rino, Viola Musungate (31), uyo anove mudzidzi wepaSeke Teacher’s College, akakwira kombi achienda kuchipatara cheCitmed Hospital achibva agara pedyo naTafadzwa.

Tafadzwa akazomubira nharembozha yerudzi rweHuawei. Mushure mekuba, Tafadzwa akabva amisa kombi panzvimbo inozivikanwa nekuti paPagomba iri muZengeza 4 ndokudzika.

Musungate akashamisika nekudzika kwakaita Tafadzwa mukombi achibva atarisa nharembozha yake akaishaya. Akazama kutsvaga musungwa uyu asi akamushaya. Zvisinei, ongororo yakaitwa nekambani yeEconet yakabatsira kuti nharembozha iyi iwanikwe iri mumawoko aSamatha Chikosha, uyo akazodura kuti akaipihwa naTafadzwa.

Pakumira kwaakaita mudare, Tafadzwa akabvuma mhosva yake ndokukumbira ruregerero achiti akaba sezvo aida kuzoitengesa kuti awane mari. Nharembozha iyi inokosha US$110.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey