Uncategorized

Foromani weZesa oramba mwana

24 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
FOROMANI wekambani yemagetsi, yeZesa Holdings, wekuedza kuramba mwana wake mudare senzira yekuda kunzvenga kubhadhara mendenenzi, akanzi abvise $100 pamwedzi nemari yechikoro patemu achimirira kuti paitwe ongororo yekuona kuti mwana uyu ndewake here.

Jonah Tasanangura akaendeswa kuHarare Civil Court neaimbova shamwarikadzi yake, Netsai Mazowe, uyo aida $300 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo ane makore 12 okuberekwa.

Mazowe akaudza dare kuti Tasanangura ari kuramba kuchengeta mwana uyu pamwe nekumutoresa gwaro rekuzvarwa apo ava kuda kunyora bvunzo dzeGrade 7. Achiedza kuvhika mhosva iyi, Tasanangura akaramba kuti mwana uyu ndewake achiti paine makakatatwa pamusoro pemwedzi yakabata Mazowe pamuviri naizvozvo aida kuti vatange vanoongororwa nachiremba kuti mwana uyu ndewake zvechokwadi here.

Kuramba mhosva kwaTasanangura kwakashaya basa sezvo mutongi Gamuchirayi Siwardi akamuti abvise $100 yekuchengeta mwana pamwedzi ne$55 yechikoro iyo yaizobhadharwa patemu yega-yega achimirira ongororo yaizoitwa yekuona kuti mwana uyu ndewake here.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>