Uncategorized

‘Fresh’ nyama yembwa

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
‘Fresh’ nyama  yembwa Sam Buti Didi akamira pedyo nembwa iyo anonzi akavhiya iri mhenyu

Kwayedza

Tandayi Motsi
VAGARI vekuBloemfontein, kuSouth Africa — uko kunogarawo zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda — svondo rapera vakashamiswa zvikuru zvichitevera nyaya yemumwe murume weko uyo akavhiya imbwa iri mhenyu mushure mekunge yatsikwa nemotokari achiti anoda nyama iri “fresh”.

Sangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka munzvimbo iyi, reSociety for the Prevention of Cruelty to Animals (SPCA), rinoti rakatyiswa zvikuru nechiitiko ichi.

Mumwe wevanhu aive pachiitiko ichi anoti pane motokari yakadhuma imbwa iyi ichibva yaregera kumira.

Imbwa iyi inonzi yakasara iri mhenyu irere mumugwagwa.

Muridzi wayo anonzi akazouya achiitsvaga apo akasangana nemashura — akawana Sam Buti Didi ari mushishi kuvhiya imbwa iyi iri mhenyu.

Akabvunza Didi kuti aiitei, iye ndokuti anoda kudya nyama yembwa iyi ichiri “fresh”.

Muridzi wembwa pamwe chete nevamwe vemunharaunda vakagumbuka nekuita kwaDidi, ndokubva vaenda naye kukamba yemapurisa iri pedyo. Pakazosvika veSPCA vekunzvimbo iyi, imbwa iyi yakange yatofa.

Reinet Meyer, uyo anove senior inspector weSPCA kuBloemfontein, anoti: “Tatyiswa zvikuru nezvataona. Mutumbi wembwa iyi wange uri padivi apo rimwe gumbo range ratovhiiwa kare asi riri nechepedyo nemugwawa. Tabvunza Sam kuti anoda kuita sei iye ndokuti atanga kuvhiya imbwa iyi apo yange ichiri mhenyu.”

Didi anoti musi uyu akange aenda kubasa aine nzara apo akazoona imbwa iyi irere mumugwagwa.

Anotizve sezvo aive nenzara, akanzwa nhomba yekuda nyama iri “fresh” uye ndicho chikonzero akavhiya imbwa iyi iri mhenyu.

Didi anoti aka hakazi kekutanga achivhiya imbwa kuti adye nyama yacho.

Zvisinei, muchinda uyu akazoratidza vashandi veSPCA mbuva yake yaaive nayo iyo yaisanganisira chingwa, polony nehumwe hudobi dobi hwakabikwa nenyama yehuku asi anoti ainzwa kuda nyama nyoro.

Didi akasungwa nemapurisa uye anotarisirwa kumira mudare munguva achitarisana nemhosva yekuitira hutsinye kumhuka.

Muna Nyamavhuvhu gore rapera, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemumwe murume wekuBulawayo — anongovawo chenzira — uyo aiita tsika yekutora imbwa dzinouraiwa neSPCA yeko, odzivhiya, nyama yacho otengesera vagari veko.

SPCA inouraya imbwa dzinenge dzichirwara kana kuti dzatadza kuchengetwa zvakanaka nevaridzi vadzo zvekuti dzinenge dzisisaite kuti dzirarame.

Murume uyu, uyo akangozivikanwa saNdebele, akaudza bepanhau redu reChronicle mazuva iwayo kuti ari kuvhiya imbwa idzi achitengesera vagari veko nyama yacho nechinangwa chekuti ararame.

Vezveutano mukanzuru yeBulawayo City Council ndivo vakasvika “pabhucha” remukoto raNdebele iro raive kuseri kwezvitoro pedyo neNational Railways of Zimbabwe Steam Shed ndokutora 100kg dzenyama yembwa.

Asi Ndebele anoti gore rapera rose, aitengesa nyama yembwa, ichimhanyirirwa zvikuru nevagari veko nekuda kwemutengo wayo wainge wakaderera zvakanyanya. — Imwe yenyaya ino kubva kuSPCA Bloemfontein.

Share This:

Sponsored Links