‘Fury anokara mari’

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

 ANTHONY Joshua anoti anofunga kuti Tyson Fury anotungamidza mari pamberi apo shasha iyi ichangodzoka mutsiva.
Fury – uyo anozivikanwa saGypsy King mutsiva – akakunda Francesco Pianeta mwedzi wadarika kuti azopinda mumutambo uyo uchamuona achisangana naDeontay Wilder, mushure mekunge mutambi wekuAmerica uyu (Wilder) akatadza kuwirirana naJoshua kuti vagorwa vese.
Saka shasha yeIBF, WBA neWBO – Joshua – akapa mafungiro ake pamusoro paFury apo mutambi uyu achangodzoka mumutambo wetsiva kubva kumawere.
“Hurongwa hwaTyson Fury kuisa mari mubhanga rake chete zvichitevera kupedza makore matatu asingakwikwidze,” anodaro Joshua.
“Acharamba achingotaura zvaanoda semazuva ese, asi mukufamba kwenguva, mheni icharova uye icharamba ichirova.”
Zvichakadai, AJ – uyo acharwa kuchengetedza mabhande ake kubva kuna Alexander Povetkin musi waGunyana 22 – anoramba mashoko ekuti Fury akamukunda pakutora mukana wekurwa naWilder uyo anovhundutsa vatambi vazhinji.
“Hakusi kuti vatora chiedza chese vakaisa pamusoro pake. Zvakawanda zviripo patafura zvekuti munhu wese adye, mumafungiro angu,” anodaro.
Kunyangwe zvake achishoropodza maitiro aFury, Joshua anofunga kuti kurwa nemutambi uyu kuchabatsira Wilder kana ahwina apo vachazenge vave kuita hurukuro dzekurwira mabhande avanavo vese mumutambo weunification.
“Ndinoziva kuti hurongwa hwake ndewekuti arwe naFury, mushure memakore matatu asingakwikwidze anozviziva kuti ane mukana mukuru wekumukunda.
“Zvichabatsira zvikuru kuumba zita rake zvekuti pavanozouya kuzokurukura nesu anenge ave negumbo rakasimba rekumira naro muhurukuro,” anodaro Joshua. – SportsMail Boxing

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey