G-teL yokotsvera nhabvu yevechidiki

24 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

KAMBANI inogadzira nharembozha yeG-TeL svondo radarika yakapa mayunifomu enhabvu pamwe nemabhora kuzvikoro zvinomwe zvepuraimari zviri pasi peZimbabwe Republic Police nechinangwa chekusimudzira mutambo uyu mune vechidiki.

Vachitaura pachiitiko ichi, Assistant Commissioner Ellina Jane Chibage avo vaive muenzi mukuru vakatenda zvikuru G-TeL nerubatsirwo urwu.

“Zvaitwa neGtel nhasi zvinofadza uye tinozvitenda zvikuru nekuti zvichabatsira  kusimudzira mutambo wenhabvu uyu,” vakadaro.

Anoona nezvekushambadzirwa pamwe nekutengeswa kwenharembozha kuGtel, Robert Gonye, akati kambani yavo ine basa guru rekusimudzira mutambo wenhabvu mune vechidiki.

Anoti vakatanga chirongwa chekupa mayunifomu nemabhora kuzvikoro zvese zviri pasi peZRP, Zimbabwe National Army, Zimbabwe Prisons and Correctional Services neAir Force of Zimbabwe.

Munguva inotevera, kambani yavo ichabatana nemapoka aya kuronga mitambo muzvikoro izvi.

“Kambani yedu yakavambwa muno uye inotungamirirwa nezvizvarwa zvemuZimbabwe saka ibasa redu kutsigira zvikoro zvemuno kunyanya zvemauto.

“Chirongwa ichi takachironga nechinangwa chekusimudzira mutambo wenhabvu muvana vechikoro nekuti tinoziva kuti havasi vana vese vanogona muchikoro, vamwe vane matarenda mumitambo yakasiyana,” akadaro Gonye.

Zvakadaro, kutanga kwegore rino, G-TeL yakavamba chirongwa chekukotsvera nhabvu muzvikoro zvekumaruwa uye yakapa mayunifomu pamwe nemakombiyuta kuzvikoro zviri kudunhu reBuhera South.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>