Gadhi iyeye ngaarohwe!

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Gadhi iyeye ngaarohwe!

Kwayedza

JAMES CHIMOMBE paakaimba chimbo chine mazwi anoti, “Nhai George mudiwa wangu, wakandigumbura. Wapengesana nanesi . . .”, haana kutiudza kuti akapfimba mumwe ndeupi. NdiGeorge here akapfimba nesi, kana kuti nesi ndiye akapfimba George? Ko iye George akanga audza nesi vaakanga ave kupengesana navo kuti ane mumwe mudiwa here?

George akanga akaroora. Mukadzi wake ainge achizviona kuti mudiwa wake atoenda nemumwe munhu, nyangwe zvazvo vaine muchato nevana vose. Nyaya yaGeorge haisi yaChimombe chete, ndakainzwawo ichitaurwa musi uno nemagadhi maviri akanga ari pabasa.

Mumwe gadhi akanga achiudza shamwari yake kuti, “Unoziva ndatambura nechibhebhi ichi. Tarisa shamwari, 14 missed calls! Chimunhu chaperera zvacho ichi.”

Mumwe gadhi wacho akabva ati, “Saka uchaita sei nacho nekuti kana chiri serious sezvauri kutaura chichakuparadzira imba yako?”
Mumwe gadhi uye akabva ati, “Asi ipapo uri kutaura chokwadi. Nyaya iripo ndeyekuti ini chibhebhi ichi handitombochida kana mbichana. Ini ndakachinyenga ndichitotamba zvangu ufunge. Ndakanga ndichitofamba zvangu ndichienda kumba, ndichibva ndagoonawo chibhebhi chipfupi, chakabatana, chine matama anenge echidhori. Ndakangotangawo kutaura nacho zvekungotamba. Patakaramba tichitaura, ndakangozochipfimba asi ndisiri kana serious. Asi iko zvino ndave kutoona kuti patoita nyaya.”

Mumwe gadhi akabva aenderera mberi achiti, “Ko chiudzeka kuti siyana neni, ndine mukadzi nevana kumusha.”
Asi gadhi muridzi wenyaya akabva aseka akati, “Iwe, kuperera kwachakaita chibhebhi ichi hakuite. Ndakatoenda nacho kwatete vacho. Chiri kumberi shamwari, apa ini ndiri kuti ndochitiza sei? Ndobuda sei mukona mandapinda umu? Aya ndiwo anonzi mahwani chaiwo wena.

Dai ndisina kurara nacho, pamwe ndaiwana mabudiro enyaya iyi, asi manje chiri kutozviona chiri mukadzi wangu. Apa zhizha rave kuzopera zvekuti mukadzi wangu anogona kuuya chero nguva. Akanga atombondibvunza kuti ‘Ndinouya riinhi ikoko, nekuti kuno hakusisina basa rakawanda.’ Ndakabva ndamushaudha zvisingaite ndichimuudza kuti ngatisevhe mari, kwete zvekuswera achingokwira mabhazi.”

Ndine hurombo nemukadzi wagadhi ari kumusha achiti baba variko kuHarare. Ndinozviziva kuti magadhi haana mari, asi kudanana nemunhu mutaundi uchiti uri kutamba, kunodhura. Kunodhura nekuti muchada kufonerana, kukwira mabhazi muchifambirana nekusangana.

Kazhinji pane rudo pane kudyira-dyira nekunwira-nwira. Saka mari yagadhi shoma iyoyo iri kudyiwa nekuda kwehunzenza. Gadhi uyu akafanana nevarume vanopfimba vasikana vachifunga kuti kutamba, asi rudo harwusi bhora.

Gadhi akapfimba achiti ari kutamba, asika musikana waakapfimba haasi kutamba. Musikana uyu ari kutotarisira zvekuzoita mukadzi wagadhi. Asi gadhi haana kutaurira musikana kuti ane mukadzi nechekare. Ndipo panonzi naSelmor Mtukudzi wakandipedzera nguva yangu, uchindimisa mahara!

Zuva richazoziva mukadzi wagadhi kuti kune chimwe chisikana chipfupi chine matama anenge achidhori chiri kudanana nemurume wake hapabude chakanaka. Mukadzi wagadhi achashaudha musikana uyu kana kutomurova zvisingaite.

Asi ane mhosva ndigadhi? Saka ikoko kwamuri, kana mukazoona vakadzi vaviri vachirwa, musatsigire muridzi wemurume chete. Tsigirai musikana akanyengwa nagadhi achiti ari kutamba.

Kana muchida kutenga nyaya nekubata munhu, rovai gadhi kuti asarambe achinyenga nekurwadzisa vanhukadzi.
Rudo newanano zvinoyera nekuti ndezvaMwari. Ukatamba nerudo rwemumwe munhu, unenge watamba nemwoyo wake, unenge warwadzisa Mwari nekusavimbika kwako, nehupombwe hwako.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey