Gadzirira rondedzero

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

NEMHAKA yekuti tiri kuzonyora rimwe pepa rechiShona musi wa13 Gumiguru, gadziriro yedu haiperi. Pepa iroro ndiro rakabata goho redu repakunopera kwegore.Pepa repiri ndiro rinotakura rondedzero nenzwisiso. Chikamu chekutanga chepepa iri ndecherondedzero.

Chikamu ichochi chinotakura huremu hwezvibodzwa makumi maviri (20 marks). Chikamu ichi chinotora awa imwe chete nezvikamu zvitatu kubva muzvina kusanganisira nenzwisiso inotora chikamu chepiri.

Zvino kana touya muhuremu hwepepa repiri iri kubva muzana, rinorema kupfuura pepa rekutanga zvekuti rinotora zvikamu makumi matanhatu kubva muzana (60%).

Zvoreva kuti riri pamusoro pepepa rekutanga.

Iri pepa ndiro rinoridimuka vana vakawanda.

Munguva pfupi iyoyo inege ichinyorwa bvunzo iri, mwana akasatevedzera zvakakosha zvinodiwa anodonha.

Saka kana tonyora rondedzero dzedu ngatingwarire kutsvaga misoro yatinonzwisisa. Misoro inopihwa kuShona inenge isina minongedzo kana kuti (guidelines) nekudaro zviri nyore kuti mwana abude mugwara agoshaya chouviri muawa yose yaange akagara achinyora. Ndiko kusaka ndati sarudza musoro waunenge wanyatsonzwisisa.

Kana wawana musoro wako, chiziva zvinotevera; Hausi wega uri kunyora bvunzo idzi. Kune rudhende rwuri kubva kunaZambezi kusvika Limpopo rwuri kunyorawo sewe saka chiita iwewe chidakadaka chekuti ndinoda kuvakunda vose.

Unogona kuvakunda vese kana wavarura rondedzero yako nebhwasvisvi bhwenhanganyaya inobata mbariro dzepfungwa dzemunhu ari kukwenya basa rako. Nhanganyaya iyi ngaienderane nenyaya uye igosiya muverengi achidokwairira kunzwa zvakazoitika.

Zvadero, chifamba nemutumbi werondedzero yako uchipfapfaidza zvinemwero zvirungamutauro.

Rondedzero yako ngaifambwe nayo zvakanaka ichiyerera semvura yeguvi. Ngaive nezvikamu zvakakura zvine mwero uye zviine hochekoche sengetani dzegejo.  Zvikamu izvozvo zvinofanirwa kupenderwa nemhedziso.

Kunozoita zimhedziso iro rinenge richibata zvabuda mumutumbi wese werondedzero. Kana zvadai, tava kutarisa kuti runyoro rwako rwakadii.

Wanyora zvakana here uye zvisina tsvina? Kana wanyora zvakanaka, ko wagona here pfekedzo? Pfekedzo inobvira pakushandisa mavara makuru, kushandisa chifemo kana chindaguma. Kana wadaro, hauchina chekuchemera.

Chienda kunzwisiso uko unofanirwa kuverenga ndima yese rutatu kuti unyatsonzwisisa zvekugona kupindura mibvunzo.

Haisi nyaya yekungopindura mibvunzo. Nyaya iri pakuti wanzwisisa here zvekugona kupindura mibvunzo nemazvo uchishandisa mazwi ako.

Mukupindura mibvunzo ikoko, panokwenywa zvakare kuti hauna kutyora mutauro here uye waita pfekedzo yako zvakanaka here. Ungwarire kuti pane mibvunzo ine zvibodzwa zviviri nekudaro pfungwa mbiri dzinofanirwa kubuda kumhinduro.

Kana wasarudza tsamba, ongorora kuti tsamba iyi ndeye hushamwari here kana yebasa wonyora uchitevedzera chaizvo zvinodiwa.

Share This:

Sponsored Links