Gadziriro dzeshoo dzoitwa

31 Jul, 2014 - 07:07 0 Views
Gadziriro dzeshoo dzoitwa

Kwayedza

GADZIRIRO dzeshoo yevarimi yeHarare Agricultural Show yegore rino iyo ichaitwa kubva musi wa22 Nyamavhuvhu kusvika 30 iine dingindira  rinoti “kuchengetedza, kuvandudza nekusimudzira mabasa ekurima” dzave padanho repamusoro.

Mushandi anodyidzana neruzhinji kusangano reZimbabwe Agricultural Show Society (ZAS), Muzvare Heather Madombwe, anoti mazana emakambani emuno neekunze anotarisirwa kuuya kuzoratidzira kushoo iyi.

Nhandare dzinoitirwa eshoo iyi dzinokwana masitendi 780 ayo anotarisirwa kunge  achitorwa ose gore rino.

Gore rakapera, masitendi 749 akatorwa ose nemakambani omuno, ekunze pamwe nevamwe vanhu vaive vakazvimirira. Zvakadaro, kusvika svondo rakapera masitendi anodarika 300 akange atotorwa kare.

Mari yekupinda mushoo haina kusanduka kubva payakange iri gore rapera. “Mari yedu haina kusanduka inongova iyo US$10 pavana vane makore 12 okuberekwa zvichidzika uyewo vakuru vachibvisa US$5. Ikurudziro yedu kuti vanhu vauye vakawanda kushoo yegore rino nekuti kune zvakawanda zvichange zvichiitwa,” vakadaro Muzvare Madombwe. Kuchange kuine mitambo yechinyakare yekurangarira vaimbova president weZAS, VaHosiah Mapondera, avo vakashaika gore rino.

Share This:

Sponsored Links