Gadziriro yebvunzo

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

MUSI weChipiri, Gumiguru 4 2016 umwe neumwe achamira nezvake muimba yebvunzo.Kana wakagadzirira hauna hanya nekuchema kana kubatikana nekuti unenge uchitodaidzira kuti chero gudo ngaauye.Zvino kana usina kugadzirira hana yako inenge ichibika manhanga ropa richitamba mbakumba mutsinga dzako.

Gadziro yebvunzo inoda mwana asina hunyope, anounganidza twose kubudikidza nekuverenga.

Chero zvazvo zvikazotadza kuuya pabvunzo, ndiwe unenge watosimba panjere uye wazvigadzirira nhaka isingapere nekuti dzidzo inhaka yeupenyu.

Tiri kuenda mberi tichitarisa kuti ungadini mukugadzirira bvunzo. Zvipe nguva yekuziva vana nemhuka dzacho.

Izvi zvinowanikwa mumagwaro akasiyana.

Panyaya dzemhuka ongorora mazita anopihwa mhuka zvichienderana nekuti ihadzi here kana kuti ihono.

Ongorora zvakare kuti mazita anopihwa mhuka zvichienderana nemazera acho sekuti tose tinoziva kuti mwana wegudo anonzi rushiye, asi tine magwaro anoti mwana wegudo anonzi shokorani, shokorupani kana kuti svambara.

Kana zvava zvamazera zvonzi mwana wegudo ane gore rimwe chete anonzi chisamakei.

Kana ari mwana wegudo akarumurwa anonzi mujembwa.

Tarisisa zvakare zvokudya. Kune mazita anopihwa kudya kwakasiyana nekudaro unoda kuita tsvagurudzo yakakwana kuti ugokwanisa kudoma mazita chaiwo anokodzera.

Rimwe bepa regwaro rechinomwe rakabvunza vana kuti mabura zvinorevei vana vazhinji vakatadza kuti mabura imbambaira.

Tsvagurudzo nedzokorodzo yako ngaikupfumise kusvika pakuziva kuti dovi rakakorerera riri mumbeva rinonzi rujin’ini.

Ziva kuti rimwe zita rinoreva sadza rakasara manheru richizodyiwa mangwana rinonzi muchaka.

Tingade zvakare kuziva zvinotevera pamusoro pen’anga nemabasa adzo. N’anga dzinoshandisa hakata pakushopera.

N’anga dzinoshandisa hakata. Chitokwadzima kana ngwena ihakata inoshandiswa kushopera pamusoro penyaya dzine chekuita nebudiriro.

Kana zviri zverudo kuvanhukadzi n’anga dzinoshandisa hakata inonzi nhokwara Chirume ndiyo inoshopera zverudo zvine chekuita nevanhurume.

Ita dzokorodzo pamusoro pezvidimbu zvezuva nehusiku.

Tsvaga musiyano uripo pamambakwedza nemashambanzou.

Ziva kuti runyanhiriri inguvai uye zvakasiyana papi nerukunzvikunzvi. Tarisisa rudziyakamwe nemasikati ugobata rubvunzavaenzi.

Kana wabata zvose zviri pamusoro wava kubata musimboti wepepa uyo unotarisa zvirungamutauro. Unofanirwa kuziva kuzadzisa tsumo zvakakodzera.

Unofanirwa kuziva zvakare dudziro yetsumo uye kugona kudzishandisa muzvirevo zvizere. Unotarisirwa kugona kudyidzanisa nekudoma tsumo dzinoreva zvakafanana, wozopedzisira nekuziva kupa tsumo dzinoreva zvakapesana.

Pindawo munyaudzosingwi ugoziva kudzishandisa kuzadzisa zvirevo. Pazvirungamutauro usasiya madimikira. Unofanirwa kugona kuadoma nekuatsanangudza pamwe nekuashandisa muzvirevo.

Urangarire zvipauro nefananidzo mukuita dzokorodzo dzako.

Pedzisira nekutarisira mazwi anoreva zvakafanana neanoreva zvakapesana.

Share This:

Sponsored Links