Gadziriro yemberi

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
TAVA kuita iya yokuti tigadzire nhava dzedu kuti dziteramire nekuti nguva yapera. Tava kusvika apo tinenge toda kuzvionera tega pasisina zvokubatira pamwe nerudhende nekuti munhu anenge onozvimiririra ega.

Pari zvino takazorora zvedu tichigadzirira kunotanga Fomu 1 sezvo tava kuziva zvakabuda pabvunzo dzedu. Yangova aziva kwake aziva kwake mukutsvaga nzvimbo zvekuti hatizombofi takaenda kuchikoro chimwe chete tese.

Ndizvowo zvinoitwa navavhimi kuti kana vambenge vachigovana nyama yabatwa zvinopera apo munhu anenge oenda kumba kwake kunozvionera. Chese chaachabata munzira ava ega chava chemunhava yake ega. Zvoreva kuti ruzivo rwotopanana iye zvino rwava rwako wega nekumberi kwauchaenda.

Ndinoda timbobata pandinofunga kuti pakasaririra apo taiita dzokorodzo dzedu takatarisana nebvunzo. Tingave takatsvanzvadzira paya panotaura nenyaya yemazwi anoreva zvimwe chete asi tisina kunyatsodzamisa gejo redu kuti ridzupure nemidzi chaiyo kuti tsangadzi inyatsoti pachena waya. Nokudaro tinoda kupatsokodzera zvakare nekuti ruzivo irworwu ticharwuda mberi kotoenda zvino, kana nhava yakarindirwa chekuchema hapana.

Tine izwi rinoti “rova” tichireva zviya zvinotaurwa kana munhu agarisa nguva yakareba asingoonekwi navaya vehukama kana vanomuziva zvakanyanya. Anogona kunge akaenda kure nebasa zvekusapotawo achimbodzoka zvekuti vanhu vanenge vasisazivi nekwaari kwese. Zvino kunze kwekushandisa izwi rekuti kurova tinogona kushandisa mazwi anoti dzama, tata kana kuti tetereka. Unonzwa vane “ugo” kana “utesvu” kuchiShona voti, Mwana wava Chikanya akadzamira Joni. Vamwewo vanoti akadzama samadora kana kuti akatetereka nezhengeni.

Kune vanhu vasingatauri chokwadi mukurarama kwavo zvokuti vakabvunzwa chinhu havagone kutaura chaizvo zvinenge zvaiitika nekudaro vanonzi vanofoya. Zvakafanana zvakare nekuti vanosvisa kana kuvanza chokwadi. Kusvisa kana kuvanza ndiko kuhwandisa. Vanhu vanotuka vamwe tinoti vanotafura kana kunyomba. Kutafura kunonoenderana nekutuka paya panenge pakakwidzwa izwi munhu achipaumba.

Panze pokushandisa izwi rinoti furira tinogona kushandisa rinoti nyengera kana runzira. Paya patinocheka rukweza mumunda tichiisa mumatengu tinoita zvekutsindira kuti tigotakura zvakawanda panguva imwe chete. Kutsindira ikoko zvakare kunonzi kuronda.

Kana munhu aine zvese zvinodiwa nevazhinji muupenyu tinoti akapfuma. Tinoti zvakare akabudirira kana kuti akapunduka. Ndivo vaya vanorara hope dzeumambo. Kuvata tinokuti kuenzera kana kuti kurinda.

Mukomana akaona musikana akamunakira pachiso nemutumbi wake anomukanda shoko rerudo – kuya kunonzi kunyenga. Mamwe mashoko anoreva kunyenga ndikupfimba kana kukonza. Vamwewo vanoti kugadza, kuruma kana kutsvetsva.

Hazvaiva nyore kupfimba kana kukonza musikana nokudaro tinoti zvaive zvakaoma. Rimwe izwi rinoreva kuoma ndikugozha kana kuti sinda. Tinogona zvakare kushandisa izwi rinoti shota kana kuti tana tichireva kuoma.

Muzvikoro kana muvajana vemombe munowanikwa ny’asire dzinokonzeresa kuti vanhu varwe. Vanhu ivavo tinoti vanorwisanisa kana kuti vanopesvera. Tinoti zvakare vanokusvudzira kana kuti vanokusvumidza.

Kana munhu achideedza munhu tinoti ari kusvingudzira. Zvinhu zvinofinha zvinosvota kana kuchima. Munhu akaroora tinoti awana kana kuti achara.

Tinotswa zviyo kana kuti kudzvura zviyo. Vamwewo vanoti tinosokora kana kupamura zviyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey