Vobatsira vanorwara neaids

02 Dec, 2013 - 00:12 0 Views
Vobatsira vanorwara neaids

Kwayedza

SANGANO rakazvimirira, reZimbabwe Mighty Women of Hope, riri kuvandudza upenyu hwevanhukadzi vanorarama nechirwere cheHIV neAids kuburikidza nekuvatsigira mukuita mabhindauko emawoko akasiyana-siyana.

Muhurukuro naGumisayi Bonzo, uyo anova akatanga sangano iri mugore ra2010, anoti akauya nepfungwa iyi zvichitevera matambudziko ari kusangana nevanhukadzi vane denda iri.

“Ini ndakapinda mujeri kwemwedzi miviri gore ra2010 ndatadza kubhadhara chikwereti nekuda kwekushaya pamwe nekutambudzika. Ndiri kujeri ndakabatsira pakuvambwa kwechirongwa cheChikurubi Female Prison Support Group uye izvi ndakazvifunga ndaona kutambudzika kwevanhukadzi mumajeri, kusanganisira avo vane chirwere cheHIV neAids,” akadaro Bonzo.

“Mugore ra1998 ndipo pandakabatwa chirwere cheHIV neAids, izvi zvakandipa shungu nesimba rekukwanisa kumirira vanhukadzi nevanasikana vane chirwere pamwe neavo vanoshaya,” akadaro Bonzo.

“Zvirongwa zvatinoita musangano redu zvakasiyana-siyana zvemabasa emawoko nekudaro mamwe madzimai ave kukwanisa kuwana chouviri uye havachaita mabasa erima.”

Anoti sangano ravo rinoshanda nemamwe akaita seZimbabwe Tourism Authority, iro rinovabatsira mukutengesa zvivezwa zvavo.

“Masangano akaita seZimbabwe Tourism Authority anotibatsira kutengesa zvivezwa pamwe nemabhegi atinosona, veNational Aids Council vanotibatsirawo nekudzidzisa mararamiro atinoita nechirwere pamwe nekutisimudzira mumabhindauko edu,” akadaro Bonzo.

Anoti chishuwo chavo ndechekubatsira vanhukadzi vari kupika kumajeri.

“Munhukadzi akakosha nekudaro isu pachezvedu vanhukadzi ngatibatane mukurwira kodzero dzedu,” akadaro Bonzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>