Garikai naChisvo dhuma kun’anga

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NYAYA YACHO (Enderero mberi):

N’anga yakaita basa rayo Garikai zvikamuvinga akarivara ndokubva angoona ava kuenda kun’anga yekuChiredzi nemudzimai wake, Garikai ndokuzonzwikwa achiti ainge adzokera zvakare sezvo zvinhu zvacho zvainge zvamunetsa chaizvo.N’anga yakatora mishonga yayo chinyararire ndokupumha Garikai kumeso ndokubva asanganidzana meso naChisvo mudzimai waChisvo ndokuzodimura runyararo rwainge rwavepo nekumhoresa babamukuru namaiguru. N’anga yakazotaura zvose zvayainge yaita ichiitira Garikai uyo anozotaura zvikonzero zvaive zvegodo chete.

Chisvo anoshatirwa zvikuru. Garikai ndokuzonzwikwa achiti aive mukoma waChisvo, havaifanira kuparadzaniswa nevatorwa vakadzi vavo.

Chipo haazopedzisi muromo wake wokuti heya Garikai haatodiwo zvakadaro adimurwa nen’anga ichivaudza kuti nyaya haiperi nekupopotedzana, vaifanira kutaurirana zvakanaka vawirirane zvinhu zvifambe.

ONGORORO

Munyori ari kuratidza kuti ruvengo kana godo chinhu chisina kunaka. Ari kuratidza kuti godo iri riri kubva kumudzimai waGarikai. Amai ava havana kufadzwa nekuti vaida kuti Chisvo awane munin’ina wavo asi zvikaramba. Mhuri yaChisvo yakaratidza kubudirira sezvo murume nemukadzi vaive varairidzi.

Hatina kutaurirwa zvedu izvo chaizvo zvacho zvaakaita asi tinogona kuti pane chaaifanira kuziva maererano neutano hwainge husina kunaka hwedangwe raChisvo.

Nechekuno tinogona kuti vanhukadzi vanogona kuparadzanisa vanhu kana tichiverenga mazwi aGarikai okuti, “Hatifaniri kuparadzaniswa nevatorwa ava” (141). Chisvo anoviruka nehasha zvekuti anopotsa arova amaiguru asi mudzimai akamutadzisa.

Munyori akashandisa musambo wekutanga nyaya yake nekupopota kunenge kuchiita Chisvo asingadomi kuti ndezvipi zvacho zvaiita kuti apopote kudai izvo zvinoita kuti muverengi ave nehavi yekuda kuziva kuti chii chaizvo change chatora nzvimbo.

Tinobva tasangana nechidavado chetsumo papeji 139 iyo inoti, “. . . kamoto kamberere kaive kapisa matanda zvino”. Kutanga kwakaita zvinhu kwakaita kunge kutamba chaiko, kuchiita sezvinhu zvisina nebasa rose asi zvakazokura kusvikira zvakoromora zvinhu zvihombe.

Mabasa en’anga anoonekwa mibayiro yawo nekushandiswa kunoitwa enzaniso. Uyu Garikai zvinhu zvinomuvinga akatandavara zvake serunyemba zvigoti zvotanga naye “seapuhwa neshiri zvichitoramba zvakadaro” (141).

Kuzoti kana ari iye mudzimai wake munhukadzi anozoonekwa hana yake yava kurova “kunge ichaboora chipfuva” (141).

Zvinotaurwa papeji 140 zvekuti, “Haana kunonoka kuenda kuChiredzi nokuti utano hwemwana hwaisafadza kana napaduku pose “zvinotiyeuchidza nezvetsumo iya inoti, “Chinono chineingwe, bere rakadya richifamba kana kuti yandakanzwa apo ndainge ndaenda kune imwe nhamo kwaMutoko apo ndakanzwa zvichinji, “Chin’ono chine mapuno, mhiripiri yakavava ichakasvipira”.

 

“AKASIYIWA ASINA KUFUNGIRA” na S. Makamanzi (143-145)

NYAYA YACHO:

Tinosangana naSara ari kupopotera Tinashe murume wake neizvo ainge akaita zvisina kunaka. Mukupopota kwaanoita tinonzwa kuti Tinashe ainge ari munhu anoda zvemafaro achikanganwa mhuri yake.

 

Enderero mberi Svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey