Gay adzoka zvine mutinhimira

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Gay adzoka zvine mutinhimira

Kwayedza

tyson-gay_jpg_2299669b
SHASHA yemujaho wekumhanya, Tyson Gay, adzoka zvine mutinhimira zvichitevera kupedza kwaakaita gore amiswa mutambo uyu mushure mekubatwa pamuchina kuti aishandisa zvinodhaka.  Gay akahwinha svondo rino, kanova kekutanga kubva zvaakanga ambomiswa kuita zvemitambo uye aka kaiva kechipiri achikwikwidza.

Shasha iyi yakadadisa apo yakaita nhamba 1 mumujaho we100m kumakwikwi emusangano weMontreuil kuParis svondo rino.
Gay akapedza mujaho uyu nemaminitsi 10,04 apo Richard Thopmson aifemera mugotsi make uye Jaysuma Saidy Ndure ndiye akatora nhamba yechitatu.

Svondo radarika, Gay akasiiwa naJustin Gatlin kumakwikwi akaitirwa kuSwitzerland ako kaiva kekutanga achikwikwidza kubva zvaakapedza murango wake.

“Ndiri kunzwa zviri nani pane zvandakaita kuLausanne,” akadaro Gay. Gay akambohwinha menduru dzegoridhe nhatu kumakwikwi eWorld Championships mugore ra2007 pamwe nembiri dzesirivha kumakwishu emaOlympics makore a2009 na2012.

“Ndakatanga zviri nani kuLausanne asi kumakwikwi ano ndinonzwa manyuku-nyuku, ndakwikwidza zvakanaka,” akadaro Gay. “Ndiri kunyatsonzwa kuda kuita chimiro chemaminitsi 9.8-9.7, hongu zvichanditorera nguva asi ndinosvika chete,” akadaro Gay.

Chirango chaGay chaimusungira kuti amire mutambo kwemakore maviri asi chakazoderedzwa kusvika pagore neveUS Anti-Doping Agency (Usada) uye chakapera musi wa23 Chikumi. —  BBC Sport.

Share This:

Sponsored Links