George anodzoserwa kumusha naAndrew

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 25 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
George apo anonzwa mashoko okuti angada here kuenda kumba kunozorora, anogamuchira mazwi aya norufaro rukuru izvo zvinoratidzwa nekudimikira kwekuti, “Akaatambira namawoko maviri” (91). Chiremba Zvoupenyu achitsanangura zvavanoita mukuongorora varwere, tinovanzwa vachidimikira vachiti, “nokuti dzimwe hakata dzedu dzashaya pamwe panodzamira” (91).

Mai Chimanga vanoda kutaura zvinhu zvazviri vasingadi zvekusabuda pachena saka vachidimikira vachiti, “Nokudaro handidi kurova imbwa ndakaviga mupinyi” (92).

Vanoda kuti Andrew anyorere mainini veku Mhondoro tsamba achinyatsa kuvataurira kuti urwere hwaGeorge hauna kushanduka kana kuti, “urwere hwavo huya nanhasi panezuro ndipo panhasi” (92).

CHITSAUKO 26 (Nyaya yacho)

Apo amai vaYeukai vanosvika kuchipatara mangwana acho, vanosvikowana George atoburitswa vanhu kwava kunanaidzana vakananga kumba. George anoyeva zimba remuzukuru apo panove nemusevenzi wepamba wechikomana ainzi Revai Zvemwoyo newechisikana aitamba nemwana. Pamba apa panochengetedzwa nezimbwa rinonzi Buster.

Mai Chimanga vanouya paari ndokumuudza kuti zuva raitevera vainge vodzokera kwavo kuChiweshe ndokukurudzira George kuti kana ava kumusha onozorora sezvakataurwa nachiremba vakasununguka pamwoyo vasingatereri zvichemo zvaanamai vaMusekiwa nemhuri dzavo.

Kana George asvika kumusha ngaasvikoziva zvaTendai nezvaHazvinei ropa rake.

Vasvika kuChiweshe, vachazoronga zvekuuya kuzoona George kuHurungwe. Muchembere anobva asimuka George ndokungosara akavatarisa, kana bepanhau raaimbenge achiverenga vasati vauya anobva atadza kurinzwisisa.

Manheru acho George anotadza kunyatsodya neusiku hwacho akatadza kunyatsokotsira nepamusoro pekufunga kumusha.

Masikati eMugovera wacho vapedza kudya kwemasikati, Andrew anotakura George nemudzimai wake naRevai nemotokari diki yemuninina wake Gabriel. Vari munzira vave kudzika gomo reMapinga vanonzwa mushamarari wenhepfenyuro otekenya kambo kemaGreen Arrows, George atokotsira zvake, mai Tendai ndokuti havanyatsowirirana nekambo kaiimbwa nekuti mafiro evanhu akasiyana-siyana asi chokwadi vamwe vanhu vanofira mwoyochena.

Andrew abvunzwa nambuya vake kuti anoti kudini, anoti anotenderana netsananguro yavo.

Vasvika muChinhoyi, vanombomira motokari ichinwiswa mafuta, vanombomira-mira kwechinguva kwava kuzoenderera mberi nerwendo dzamara vasvika kumusha zuva rogara makomo.

Amai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza nemudungwe wevana vanouya kuzoona vasvika ava.

Vagere muimba yokubikira, vapedza kukwazisana nekubvunzana upenyu mudzimudzangara munorira kambo kakaimbwa neJairos Jiri Band kanoti “Nhamo Yemuriwo” ako kanoita kuti amai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza vatarisane maziso avo ndokusangana mundangariro dzavo vachinzwa sekunge rwaireva zvapamusha pavo.

Manheru acho George anoratidzwa nemudzimai wake mabhuku okufambiswa kwaiitwa basa naMusiyiwa.

Vaviri ava vanowirirana kuti vazorodze Musiyiwa mudzimai wake ndokufunga zvekuti vakaronga kuti neMuvhuro omukira obva azorora zvachose zuva rose, Chipiri ozorora zvakare, neChitatu oendazve Karoi kwemaawa matatu, obva azozorora zvachose kusvikira Muvhuro wesvindo raitevera apo aizonotanga basa zvizere pamwe chete navo.

George ari kufunga zvekuti kana achizenge ava nane munjodzi aizomupa off yesvondo rose rizere.

Varara, amai vaTendai vanorota vachiona George asimba ndokumutswa vari pakati pehope naGeorge anomubvunza kuti chii chaari kuseka pakati pohusiku hwakadaro iye ndokuti George anyatsa kumunzwa here kana kuti aita manzwira semunhu ainge ari muhopewo.

 

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links