George anotambira tsamba mbiri

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho)
Zvinotaurwa naamai vaPeter kunaTendai zvekuti asimuke aende asingadyi sadza ravabika nekuti angazorwara nekuti rine tsvina zvinoita kuti mudzimai waGeorge atange kufungisisa kuti ainge anzwisisa zvainge zvataurwa naTendai izvi aizvigadzirisa chirudzii. Mudzimai anoti George ngaarambe achiverenga tsamba mbiri dzainge dzaunzwa naTendai.
Apo anopedza kuverenga tsamba yechipiri, Eunice anokurumidza kumubvunza kuti dzainge dzabva kupi uye dzaitaurei. George anoti imwe yacho yainge yabva kuhanzvadzi yake kuMhondoro ichizivisa kuti vaizouya kuMagunje kuzoona musha wavo mutsva vachivazivisazve kuti dangwe ravo Jacob rainge rawana basa roumabharani paZ.I.S.C.O, kuKwekwe.
Yepiri yaibva kuMufakose kuhanzvadzi yaEunice ichiti vainge vabatsirwa nemwana mukomana nekudaro vaizosvika kuHurungwe vachida kuvaratidza mwana nekuvakumbira kuti vamupe zita. Mudzimai waGeorge anofadzwa zvikuru nemazwi aya ndokuti aizomupa zita rokuti Nyasha nekuti aive mukomana wekutanga mumhuri yainge iine vanasikana vega vatanhatu.
Mudzimai waGeorge anomuudza kuti zuva iroro mangwanani, iye George achangosimuka kuenda Karoi, pamba pakasara pachisvika mumwe mukomana wavainge vasingazive asi vachigaromuona achifamba ari ega nekumisha yekumavirira achida kuona George. Haana kutaura chaaida asi mudzimai waGeorge akaona kuti airatidza sekunge ane chikurukuru chaanoda kuna George.
Manheru acho vachangopedza kudya chirariro, mudzimai wake anomuudza nyn’ambo yevamwe vakomana vainge vaputa mbanje, mumwe wacho paakabvunza mumwe wake achiti ndiye ndokuzoona kuti mupurisa, kuti ainge adzinzwa sei akapindura mupurisa uyu achiti “Dzihwahwa” (21). George anoseka ndokubva pagonhi pagogodzwa nemumwe mukomana akazviti ndiMusekiwa mwana waVaMunjodzi.
George anobva amuziva ndokumubvunza kuti akabva rinhi kwaambuya iye ndokuti akatorwa kare kare nababamudiki paakapedza grade 7 babamudiki vakamushayira mari yekuenderera mberi nechikoro.
Musekiwa anobvunza George kana achida mukomana wekushanda naye George ndokumuti zvaataura azvinzwa, ngaazodzoka ramangwana racho manheru nenguva idzodzo ambosara achifungisisa nezvenyaya iyi.
Musekiwa aenda, Eunice anobvunza George kuti amutsanangurire kuti mukomana waati anoziva ndiani ndokuudzwa kuti mhuri yemukomana uyu yese kusiya iye yakatsvairwa nemheni.  Mushure mekuvigwa kwemhuri yaVaMunjodzi baba vake, akatorwa naambuya vake kunorerwa ndokuzotorwa nababamudiki vake. Hapana zvapo ukama hwepedyo asi ndevemutupo mumwe chete, ndokusaka achimuti munin’ina Tembo.
Mudzimai nemurume vanozowirirana kusvika pakuti vaizosimudzira upenyu hwemukomana uyu.
Apo anouya, vanomuudza kuti zvaauya zvanaka, basa rake richave rekushanda navo kubindu, kufamba naGeorge nekutengesa muruwa nebhasikoro, achamutengera hovhorosi nemagamubhutsu.
Achazoripwa pakupera kwemwedzi mari inoita masenzi makumi matatu padhora roga roga raachaunza achitengesa ega nebhasikoro asingashande Mugovera neSvondo.
Mudzimai waGeorge anobva audza vana vake kuti uyu ndimukoma Munjodzi vavachagara navo pamba ipapo vachibatsirana basa. George anobvunza kuti angade kudzidza achiverenga ega manheru ndokubvuma. Basa aizoritanga nemuvhuro wesvondo raitevera.
Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links