Uncategorized

Geza kuti Mwari akunzwe!

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Geza kuti Mwari akunzwe! Vatenderi vechechi yeMoslem vakagara muchechi kwaNyava kwaMusana

Kwayedza

Vatenderi vechechi yeMoslem vakagara muchechi kwaNyava kwaMusana

Vatenderi vechechi yeMoslem vakagara muchechi kwaNyava kwaMusana

ZVISINEI kuti vamwe vanhu vari kurasa magariro avo echikari vachiti pasi rarohwa nenyundo, verudzi rwechiChewa kwaMusana havasi kusiyana netsika dzavo dzakaita sekuchecheudzwa kwevanhurume uye kudzidziswa kwevanhukadzi Chinamwari.

Nyaya dzekuchecheudzwa, idzo dziri kukurudzirwa navanamazvikokota veutano mazuva ano zvichinzi zvinobatsira kuderedza kutapuriranwa kwezvirwere zvepabonde pamwe nekuti mudzimai asaite chirwere chegomarara, hadzisi itsva kugari vekwaNyava pedyo neBindura ava.

Vanhu ava vanotevedza tsika yekuti vose vanoda kuti vanzwikwe naMwari, vanofanirwa kutanga vageza kumeso, mhuno, miromo, makumbo nemawoko.

Muhurukuro neKwayedza, VaMupimwa Muhimwa (101) vechechi yeMoslem uku, vanoti chitendero chavo chinotora kuchecheudzwa kwevanhurume setsika yavo nedonzvo rekuchengetedza utano hwakanaka.

“Hatimanikidze kuti munhu achecheudzwe asi anofanira kuzvipira zvichitevera chinangwa chaanenge anacho uye tinotambira chero vasiri vekuchechi yedu vanoda kuchecheudzwa” vakadaro VaMuhimwa.

“Kuchecheudzwa kunogona kungoitwa kumunhu achangobva mukuzvarwa, hazvinei nezera.” Vanoti kana munhu akundikana kuchecheudzwa achiri mucheche, anozoitwa izvi ava pazera remakore 12 kusvika 14 okuberekwa.

“Patsika yedu, izvi zvinoitirwa kubani, kure nemusha.”

Vanoti pari zvino vave kukurudzira kuti vanhu vanogona kuenda zvakare kunanachiremba vakadzidzira basa.

“Vanenge vachichecheudzwa vanopedza nguva inokwana mwedzi mumwe chete vari kubani vozopembererwa,” vakadaro.

Kunze kwekuchecheudzwa kwevanhurume, vanhukadzi verudzi urwu vanodzidziswawo Chinamwari apo vanenge vachipangwa mazano ari pamusoro pemabatirwo anoitwa murume mudzimba.

Mai Ever Liwonde (60), vanova muparidzi muchechi iyi, vanoti vanasikana vavo vanoenda vachinodzidziswa kuti murume anobatwa sei.

“Madzimai havaite zvekuchecheudzwa sezvinoitwa vanhurume asi vanoenda kunopangwa tsika nemagariro akanaka kana vava mumba nemurume,” vakadaro Mai Liwonde.

Vanoti izvi zvinoitwa kumunhu wese anenge achida asi kune vaye vanenge vauya vasiri vemuchitendero chavo, vanobhadhara mari shoma iyo inozopihwa kune vanovadzidzisa.

Mai Maria Mwawa (61) vakatiwo: “Mwana anenge achecheudzwa kana kuenda kuChinamwari haachafanira kupinda muimba inorara baba naamai senzira yekuremekedza.”

Vanoti mapfekero anoitwa nevanhukadzi patsika dzavo dzechiMoslem, ekuvhara muviri wose vachisiya maziso bedzi, inzira yekuti vasakwezve varume.

VaKim Madson (66), avo vanova mutungamiri wechitendero ichi uku, vanoti munhu wese anenge aenda kwavari anogeza kumeso, mhuno, muromo, mawoko nemakumbo senzira yekuzvichenesa pamberi paMwari.

Vanoti izvi zvinoita kuti kana vave kutaura naMwari zvichemo zvavo zvinonzwikwa.

 

Share This:

Sponsored Links