Gezai mawoko nguva dzose – Parirenyatwa

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
Gezai mawoko nguva dzose – Parirenyatwa Dr Parirenyatwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana riri kukurudzira veruzhinji kuti vave netsika yekugeza mawoko nguva nenguva senzira yekudzivirira zvirwere zvemanyoka zvakadai seSepsis.

Sepsis chirwere chinouraya uye chinobata vanhu vanodarika 30 miriyoni pasi rose, chichikonzerwa neutachiona hunofamba muropa zvichibva muhuchapa.

Mumashoko avo ayo akaverengwa naActing Director weEnvironmental Health Service, VaDyson Rodrick, pamhemberero dzeWorld Hand Hygiene Day idzo dzakaitirwa paWilkins Infectious Diseases Hospital, muHarare, munguva pfupi yadarika, gurukota Dr David Parirenyatwa vanoti chirwere cheSespis chiri kuwedzera huwandu hwendufu dzevana nemadzimai, zvikuru panguva yekusununguka.

Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Chiri mumawoko ako, Dzivirira chirwere cheSepsis”.

“MuZimbabwe chirwere cheSepsis chiri kuwedzera huwandu hwendufu dzemadzimai nevana apo vanaamai vanobatwa nacho vachakazvitakura kana kuti panguva yekubara vachizochitapurira kuvana. Chirwere ichi chinouya apo vanhu vanoramba vachibatwa neutachiona hweTyphoid chichizoenda kuchirwere cherurindi.

“Utachiona uhwu hunogona kukonzerwa zvakare nekusabvumwa nemishonga kunoita zvimwe zvirwere mumuviri zvinoita kuti chinetse kurapa,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti sangano reWorld Health Organisation rine hurongwa hwekudzivirira utachiona uhwu kuburikidza nekubaiwa kwevanhu majekiseni edziviriro.

“Mumwedzi waChivabvu 2017, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rakaita chibvumirano nedzimwe nyika dziri muAfrica muzvirongwa zvekudzivirira, kuvhenekwa nekurapwa kwechirwere cheSepsis uye kuti chinge chichiiswa muzvirongwa zveNational Health System,” vanodaro.

Vanoti kushambidzika kunokurudzirwa kunosanganisira kugeza mawoko nesipo senzira yekudzivirira utachiona hunounza zvirwere uye zvinoda mushandirapamwe wevarapi nevanhu vari munharaunda.

Dr Akere Adegboyega, avo vanova World Health Organisation Acting Officer-in-Charge vanoti zvakakosha kuti zvirwere zverudzi urwu zvinge zvichidzivirirwa nenguva.

“Vanhu vanoda kuwaniswa ruzivo rwakakwana maringe nezvirwere izvi uye munguva pfupi yadarika huwandu hwechirwere ichi hwakaonekwa huine chikamu che2,5 -14.8% muAfrica kureva kuti chakapetwa kaviri pane huwandu hwacho munyika dziri muEurope apo dziine chikamu che7,1%. Mutoro wechirwere ichi wakanyanyira kuvana vachangobva kubarwa,” vanodaro.

Chirwere cheSepsis chinovapo apo ropa remunhu rinobatwa neutachiona zvinoita kuti rikundikane kurwisa zvirwere, zvichizokonzera kuti muviri wese urwadze pamwe nekupindwa nechando uye dzimwe nguva mimwe mitezo inokundikana kushanda zvakanaka.

Mhemberero dzeWorld Hand Hygiene Day dzinogaroitwa nemusi wa5 Chivabvu gore negore.

Share This:

Sponsored Links