Giroud otambira Arsenal kusvika 2018

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

CHIZVARWA chekuFrance, Olivier Giroud, akasaina kondirakiti itsva kuArsenal iyo ichamuona achiramba ari kuchikwata ichi kuEmirates kusvika mugore ra2018 uye achange achitambira 80 000 paunzi pasvondo.
Chibvumirano ichi ndeche kuwedzera makore maviri pakondirakiti yaGiroud yaagara anayo uye chikwata chake chichazviburitsa munguva inotevera.

Giroud parizvino haasi kukwanisa kutamba nhabvu sezvo akakuvara gumbo rake apo maGunners akaita mangange 2-2 neEverton muna Nyamavhuvhu.

Mutambi uyu, uyo ane makore 28 ekuberekwa, ari mumwaka wechitatu achitambira Arsenal kubva paakatengwa achibva kuMontpellier nemari inosvika 10 miriyoni paunzi.

Arsene Wenger akamhanya kutenga vatambi vatsva vekumberi mwaka uno izvo zvakamuona achitenga Alexis Sanchez kubva kuBarcelona nemari inosvika 30 miriyoni paunzi uye pamwe naDanny Welbeck kubva kuManchester United nemari inosvika 16 miriyoni paunzi.- MailOnline Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>