Glen View 2 Primary yopfuya hove

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Glen View 2 Primary yopfuya hove

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
CHIKORO cheGlen View 2 Primary, muHarare chokurumbira mukusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kupfuya hove nezvimwe zvipfuyo zvakasiyana.

Mukuru wechikoro ichi, VaLameck Madzimure, vanoti vanokoshesa zvidzidzo zvemabasa emawoko nekuti vamwe vadzidzi vanokwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune remangwana.

“Takaona kuti vana vedu vanofanira kudzidza zvakawanda, kunyanya mabasa emaoko vachiri vadiki. Kuchengeta hove ndiro rimwe remabhindauko ari kutisiyanisa nezvimwe zvikoro panyaya yebudiriro yedu mukuvandudza zvidzidzo zvemabasa amawoko. Tiri kutora kupfuya hove sebhizimisi uye sechidzidzo zvakare kuvana vedu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hove tiri kudzipfuya tichitengesa dzichiri diki kune vanodawo kutanga kudzichengeta kuchiti dzimwewo tiri kutengesa dzatokura zvekuti dziitwe usavi. Mari yatinowana iri kutibatsira mukuvandudza chikoro chedu nemadzidziro evana.”

VaMadzimure vanoti kunze kwehove, vanopfuya zvakare huku dzechivanhu pamwe chete nemabroiler.

“Zvose izvi tiri kuzviitira kuvandudza ruzivo maererano nemabasa emawoko kuvana vechikoro. Tiri kubudirira kuzviita kuburikidza nekuendesa varairidzi vedu kuzvikoro zvedzidzo yepamusoro zvakanangana nekudzidzisa vanhu maererano nekupfuyiwa kwezvipfuyo zvakasiyana,” vanodaro.

Zvisinei, VaMadzimure vanoti vana vepachikoro pavo vachine dambudziko pakugona kunyora nekutaura Shona yakanaka izvo vanotarisira kuti zvichavandudzwa kuburikidza nekushandisa bepanhau reKwayedza sezvo riine zvikamu zvinobatsira vadzidzi vakasiyana. PaGlen View 2 Primary zvakare pane Culture Centre yemhando yepamusoro iyo vana vanodzidziswa zvidzidzo zvetsika nemagariro echivanhu.

Mugore ra2016, chikoro ichi chakawana mubairo wekutanga pakushambidzika (first position well maintained school) pamwe chete newekugona muzvinhu zvakawanda weSecretary’s Merit Award pamakwikwi emaProvincial Merit Awards.

Share This:

Sponsored Links