Glen View 5 Primary: Hurudza padzidzo

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Glen View 5 Primary: Hurudza padzidzo

Kwayedza

GLEN VIEW 5 Primary School iri kubudirira muzvidzidzo zvemabasa emawoko zvakaita sekurima nekuchengeta zvipfuyo izvo zvinotarisirwa kuzobatsira vana vepachikoro chiri muHarare ichi mune

ramangwana ravo sezvo vachikwanisa kuzoita mabhindauko akasiyana.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Rina Gahadza, vanoti chikoro chavo chinokeshesa zvidzidzo zvemabasa emawoko.

“Tinokoshesa zvidzidzo zvekurima zvekuti tinozotengesera zvirimwa zvedu kune zvimwe zvikoro neveruzhinji vari munharunda. Hapana mwaka watisingaise zvirimwa mubindu redu pano.

Vana vechikoro vachiverenga Kwayedza

Vana vechikoro vachiverenga Kwayedza

“Tinowanzorima mbatatisi, muriwo wemhando yakasiyana, hanyanisi nematomatisi.

“Nguva zhinji vanhu vemunharaunda yakatipoteredza vanouya kuzotenga zvinhu izvi mari yacho tichiishandisa mukubatsirikana pachikoro chedu.

“Mari yatinotengesa zvirimwa zvedu tinoiisa muhomwe yedu yeSDC yozotibatsira mune ramangwana.

“Pari zvino tine huku dzemazai dzatiri kuchengeta idzo dzinosvika makumi matanhatu. Mazai tinonhonga zuva nezuva achitengeserwa,” vanodaro Mai Gahadza.

Mai Gahadza vanotendawo bepanhau reKwayedza nekusimudzira kwariri kuita muzvidzidzo zveShona muzvikoro kuburikidza nechikamu cheDenhe reruzivo.

“Ndinotenda bepanhau reKwayedza nekuti rinobatsira vana vechikoro zvakanyanya mukuvandudza Shona yavo. Vana vazhinji vamazuva ano havachaziva mutauro, saka bepanhau iri riri kubatsira zvakanyanya kuburikidza nekuverenga kwavari kuriita.

“Dai Kwayedza yakwanisa kuwanikwa muzvikoro zvose kuitira kuti vana vechikoro vawedzere kuziva mutauro uyu.

“Bepanhau iri rakanakira pakuti rinosanganisa zvose tunyaya tunonakidza pamwe chete nezvidzidzo zvevana vechikoro zvekuti chero rikachengetwa pachikoro rinoramba richingobatsira, kunyanya zvakaita sekuumba mutauro nezvinoreva mamwe mashoko zvinenge zvirimo,” vanodaro.

Vanoti vana vepachikoro chavo vanodzidazve pamusoro petsika nemagariro kuburikidza neKwayedza. Gore rapera, chikoro ichi chakawana mukombe weBest Improved ECD.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey