Uncategorized

Gogo vakamhan’arira zvidhoma kumapurisa

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Gogo vakamhan’arira zvidhoma kumapurisa MBUYA Munemo vachitaridza makondomu ayo vanoti aifuridzwa nezvidhoma. - Mifananidzo naMalvern Mugadzikwa

Kwayedza

MBUYA Munemo vachitaridza makondomu ayo vanoti aifuridzwa nezvidhoma. - Mifananidzo naMalvern Mugadzikwa

MBUYA Munemo vachitaridza makondomu ayo vanoti aifuridzwa nezvidhoma. – Mifananidzo naMalvern Mugadzikwa

naMalven Mugadzikwa
CHEMBERE inogara kuMsasa, muHarare inoti yakamanikidzwa kuvhurisa docket kumapurisa mushure mekuoneswa ndondo nezvidhoma kana kuti zvikwambo izvo zvinoirova, zvichiitira tsvina mumidziyo, kuibira mari, kuifonera kana kutumira mashoko ekutukirira nezvinyadzi panhare.

Pamusoro pekukwidza nyaya yavo kumapurisa, Mbuya Pelagia Munemo (73), vepanhamba 56 Amby Drive, Msasa — avo vanoti vanosvikirwa neshavi renjuzu — svondo rapera vakapotera kuKwayedza vachitsvaga rubatsiro apo vaiti zvidhoma izvi “zvaisa gumbo mutangi” — zvavashaisa rugare. Zvisinei nekuti vakamhan’ara kumapurisa, minana yezvidhoma izvi yatova kuitika zuva nezuva izvo zvave kumanikidzira mbuya iyi nemwana wayo kusiya imba vachirara panze.

Mazuva mashoma vabva kutaura nyaya yavo kuKwayedza, Mbuya Munemo vakazodeedza vatori venhau vachiti “zvatobva zvanyanya”. Apa vainge vafumoona makondomu jahwi, akashandiswa neasina, akamwaiwa pamusoro pemagumbeze pavanorara, kunze kwemba. Mamwe ainge ari pachivanze.

“Kubva pamabva pano, tunhu twacho turi kuti, ‘wazotigona manje kutimhan’arira kuKwayedza, kunyanya musikana uyu we. . .,’” chembere iyi yakadaro apo yakashanyirwa kepiri nevatori venhau.

Vanoti maminimini aya akatanga mushure mekufa kwemurume wavo, Gynoise Chiridzo, uyo akashaya muna Zvita wegore rapera. Vanotaura vanoti zvichida nyakufa uyu ainge akaromba kana kuti iyo chembere iyi ine twayowo. Asi mbuya ava vanofungira vavakidzani kana kuti vamwewo vanhu vanoshereketa.

Mbuya Munemo vanoti zvakatanga seizvi:
“Musi waKubvumbi 23 gore rino kwakauya mukweshwa wemurume ndakazvigarira nemhuri tichitoronga kuendesa nhumbi dzemurume wangu kumusha kwake kuMalawi. Upenyu hwangu handisati ndamboona munhu akakura kudaro.

“Munhu uyu akati aida kuti apote achipaka gonyeti rake pasitendi pangu, izvo ndakaramba. Ndinovimba kuti ndiye akatanga neizvi.”

Vanoti zirume iri rakazodzoka zvakare pamba pavo ivo vasipo, paine muzukuru wavo bedzi, apo rinonzi raive rakatakura matsaga maviri ederere rechipudzi, iro rakacherera kuseri kwemba yavo.

“Ndinofunga kuti ndiye akauya kuzoisa zvidhoma izvi nekuti kumashure uko akanga ambouya achinditi aida pekuisa gonyeti rake. Aiti anogara kuDamafalls. Ini ndakamuti pano ndepangu, handikwanisi kukudimburira nzvimbo nekuti ndinoita zvekusima miti ndichitengesa.

“Kubva pakauya murume aisanzwisisika uyu, ndakatanga kunzwa kurohwa-rohwa kwegonhi remba yandairara pakati pehusiku. Pakutanga ndakafunga kuti imbavha, ndikashevedzera kuti ‘ndiyani’ ndokupindurwa nezwi richiti, ‘Ndini Gynoise Chiridzo, buda panze. Kana usingadi kufa ibva pamusha pano ini ndigare’. Ndakaramba ndiri mumba, ndipo pazvakatanga kupfumbura zvichiburitsa mweya wainhuwa zvikuru.”

Gynoise Chiridzo izita remurume wechembere iyi uyo akafa.

Mbuya Munemo vakaenderera mberi vachiti: “Pandakazobuda panze ndakatanga kudirwa tsvina yemunhu. Kuseni kwacho ndakaona pamusiwo pakazara tsvina yevanhu, kuita zvitutu zvitutu, iyo yaive iine honye dzaitotakanya.

“Ukuwo mumabhaketi, mapoto nendiro makanga makazara tsvina yaiva nehonye iyi. Ndakazomwaya munyu wemagodo ndikakukura tsvina yacho, ndikanoicherera musango ndokumwaya mvura kuti chivanze chichene.”

Nemusi weChipiri svondo rino, Mbuya Munemo vanoti vakafumokukura tsvina yezvinhu izvi pachivanze neimwe yainge izere dhiramu. Imwe vanoti yaidonha ichibva pamusoro pemba. Mamwezve makondomu ainge riri gatakata pavanorara nepachivanze.

“Izwi rezvinhu izvi riri kunditi zvichafuridza makondomu acho, dumbu rangu robva rafutunuka,” vanodaro.

Vanoti mushure mekunge vanyanya kushungurudzwa, apo vaifungira kuti aive mabasa evanhu, ndipo pavakazoenda kumapurisa ekuRhodesville Police Station kunomhan’ara. Docket rekumapurisa rine nhamba dzinoti CR135/05/14 uye, sekutaura kwavo, vakapihwa zita nenhare dzemapurisa maviri vekuzofonera kana mashiripiti aya aramba achiitika. Zita nenhare dzacho vakatipa.

Asi vanoti kubva musi wavatora danho iri vakaoneswa chakati tende.

Ndizvo zvakazoita kuti vapotere kuKwayedza vachiti, “pamwe veruzhinji vangandibatsire”.

Mbuya Munemo vanoti havana kuzoita shungu dzekudzokera kumapurisa kuti vanzwe kuti nyaya yavo yava papi nekuongororwa sezvo mumwe wemapurisa vaivepo akataura kuti nyaya yavo yakange iine chekuita nechivanhu.

Vanoti zvakare zvidhoma izvi zvinovafonera kana kuvatumira mashoko panharembozha yavo zvekuti vave kutotya kuidaira kana ikarira.

“Zvakandifonera kaviri ndichikata foni ndokubva zvazotumira tsamba panhare yaiti, “Chimbwa chemunhu, mavende, chigumbo chakatyoka,” vakadaro.

Mbuya Munemo vane gumbo rekuruboshwe rakakuvara uye vanoti vakadzima mashoko avanoti vakatumirwa panhare nezvidhoma aya nekuda kwekutya.

Pane nyaya dzenhare dzinongotaurwa nevanhu kuti dzikafonwa uye munhu akadzidavira anenge atotaura nezvehusiku. Vamwe vari kuti nhamba dzeanenge achifona hadzibude. Chipo chemazuva ose uye panguva yeusiku, vanodaro Mbuya Munemo, vanotemwa nematombo asi vasingaone munhu anenge achiakanda. Dzimba nemidziyo zvinosara zvapiswa.

Vakaratidza vatori venhau murwi wematombo avanoti akazara mabhara matatu apo rimwe zuva zvinhu izvi zvakararira kutema imba yavo.

“Mumba chaimo hatichararamo, tave kurara panze nekuti zvinotidira mvura mumagumbeze nekubatidza moto. Tinotemwa nehuni nemavhunze emoto.

“Ndinonzwira tsitsi chero mwana wangu, Mobby Chiridzo, nekuti ndava kutorara ndakamugumbatira panze tichigwagwadza nechando.”

Zvidhoma izvi vanoti “zvinovabhabhadzira” kumagadziko neshamu zvichiti: “Haumbotikwanisa isu, tiri 435. Ibva pano isu tisu varidzi vepo”.

Apa zvinonzi ndipo pazvinotaura mazita azvo.

“Pana Anna naEsther izvo zvinoti zvinobva kuBinga nechimwe chinonzi Muridzo, chine zita remurume wangu chinoti chinobva kuMt Darwin. Zvinenge zvichiti zvauya kuzotorwa nemotokari yeBenz. Unonzwa zvichiti zvakatengwa neUS$5 000 asi imwe US$1 000 haisati yabhadharwa saka zvicharamba zvichindibira mari yangu.”

Dzimwe nguva mbuya ava vanoti vanobvutirwa mapoto ekubikira apo zvinhu izvi zvinoti zvinenge zviine nzara uye kana vakabika vanozongoona mumandiro musisina chikafu.

“Hazvidi kunzwa munhuwi wenyama, zvinotibvutira zvobva zvadira mvura patinobikira.” vanodaro.

Antony Madzamba, uyo anova muzukuru uye achishanda naMbuya Munemo mubasa ravo rekuchengeta miti paMurombo Munhu Project, kuMsasa kwakare, akatsinhira nezvemashiripiti aya achiti ane fungidziro yekuti zviri kukonzerwa nevamwe vanhu vari kuda kuvatorera nzvimbo yavo iyi.

Akati: “Ini ndakati ndichidiridza miti yagogo rimwe zuva, ndakangoona moto wava kubvira uchipisa masaga nemiti.

Zuva nezuva tinodzimura moto unongotanga kupfuta wega mumba nekurongedza zvinhu zvinenge zvabvanyangurwa nezvinhu zvatisingaoni.

“Ndinofungira kuti pane vanhu vemunharaunda vari kubata-bata. Kungoti isu sevana vadiki hatina zvizhinji zvatinoziva. Asi pakafa sekuru ndipo pakatanga mhepo dzese idzodzi.”

Mbuya Munemo nemurume wavo vaimboshandira kambani inoona nezvekuchengetedzwa kwemiti, yeForestry Commission.

Mbuya ava vanoti pakutanga vaimbofunga kuti murume wavo aivapfukira. Pamazuva ekutanga iwaya ivo vanoti vainzwa sevari kushinha nemunhurume.

“Munongozivawo kuti panofa murume vanhu vanomhanya kufungidzira kuti mukadzi ndiye akauraya kana kuti aibata-bata. Asi izvi pandiri hazvisirizvo. Handina chakaipa chandakabata pakufa kwemurume wangu.

Ndinotorwadziwa kuti murume wangu dai azorodzwa pane kuti zita rake riswere richitambiswa pamiromo yezvidhoma kudai.

“Murume wangu aibva kuMalawi asi haana chaaibata chakashata, aingouya ari munhu kana akaenda kumusha kwake.

“Ndanetseka zvekuti chero ndikadawo kunamata chaiko ndinenge ndazvipinza mukanwa meshumba nekuti zvinobva zvabatidza moto. Tinotanga kuona tuhutsi moto woita zvekuputika, dzimba nemidziyo zvobvira.

“Ndinongonzwa zvichiti, ‘Tinoda kukuuraya’. Ndikazvibvunza kuti munoda kundiurairei zvoti, ‘Unotibvunza une ma(zvinyadzi) here iwe? Une muswe mberi? Nyarara!’.

“Imba yangu yakatotsva ndikabva ndapererwa. Ndinotaura nazvo asi handizvioni pazvinenge zviri. Zvinondibvunza kuti ndinonamata Mwari ndiani wangu. Chinondishamisa ndechekuti zvinhu izvi zvinoti ndizvo zvakauraya murume wangu uye ndizvo zvakamudya,” vakadaro Mbuya Munemo.

Chembere iyi inoti kana paine munhu ari kuitisa izvi nechinangwa chekuda kuti vabve pamba apa ari kupedza nguva yake. “Kana paine ari kundishereketera kuti ndibve pano handibve, manje tichapedzerana.”

Vane hurongwa hwekumboedza kubatsirwa kuchivanhu.

Lawrence Gainos (28), uyo anoti muzukuru waMbuya Munemo, akati akazvionera pamhuno sefodya. “Ndakaona gogo vachipfumburirwa madota asi zvaingoita sedhirama nekuti aivapfumburira aisaonekwa. Handiziviwo zvangu kana paine chimwe chivanhu chiripo chingadaro chakavanzika. Asi zvandakangoona ndezvekuti panenge pane akabata-bata kuti zvinhu izvi zvishungurudze gogo,” akadaro.

VaDesmond Kativhu (56), muvakidzani waMbuya Munemo, vanotiwo vashaya neremuromo. “Ini ndakaona nemaziso angu moto uchingotanga kubvira mumba magogo pasina aubatidza. Ndinofunga kuti zvikwambo nekuti zvinototaura asi ivo havazvioni. Chishamiso ndechekuti izvi zvakazongotanga pakafa murume wavo saka zvava kunetsa kuti munhu mupenyu ari kubata-bata here kana kuti zvine chekuita nemurume wavo. Nekuti kubva pandatanga kuzivana nagogo pamba pavo hapana kumboitika mashura akadai,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>