Gokwe yovakisa chikoro

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Midlands Correspondent
KANZURU yeGokwe Town Council inoti yave pedyo nekupedza kuvakisa chikoro chitsva kuWard 2 munzvimbo yeNyabadza kumaruwa icho chinogona kuvhurwa pakutanga kwetemu inotevera.
Munyori mukuru mukanzuru iyi, Muzvare Mellania Mandeya, vanoti makamuri maviri ekudzidzira (classroom blocks) atove pedyo nekupedzwa kuvakwa ayo anogona kutanga kushandiswa pachavhurwa zvikoro.
“Tagadzirira, tine makamuri maviri apo imwe neimwe ine makirasi maviri zvakare akatopedzwa kuvakwa. Tinotarisira kuti anogona kutanga kushandiswa pachavhurwa zvikoro,” vanodaro.
Vanoti kanzuru yavo iri mushishi kuvakisa zvimbudzi pamwe nekuona kuti mvura yavepo pachikoro ichi.
“Tave kupedzisa kugadzurudza sezvimbuzi nekuona kuti mvura yavepo,” vanodaro Muzvare Mandeya. Ndinotarisira kuti izvi zvinenge zvapera panguva ichazovhurwa zvikoro.”
Vanoti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari nereutano nekurerwa kwevana akatopa mvumo yekuti chikoro ichi chichivhurwa.
Chikoro ichi, vanodaro Muzvare Mandeya, chimwe chemabhindauko ekanzuru yavo ari kuitwa pasi pezvirongwa zvechimbi-chimbi.
“Tichifambirana nezvirongwa zveHurumende zvechimbi-chimbi, takakwanisa kupedza kuvakisa chikoro ichi,” vanodaro.
“Takapedza zvakare kuvaka imba yedu yekushandira yeTown House uye pari zvino tave kumhanyisana nekuvakisa kiriniki iyo tinotarisira kupedza munguva pfupi iri kutevera.
“Mabhindauko aya ari pasi pezvirongwa zvekuvaka zviri kuitwa nekanzuru. Zvakakosha kuziva kuti aya haazi mabhinduko ekuti kanzuru iwane mari sezvo pasina kana sendi ratichawana kubva kuchikoro ichi. Chikoro ichi chakavakwa nechinangwa chekubatsira vana vemuGokwe.”
Vanoti chikoro chitsva ichi chichabatsira vana vekunzvimbo dzinosanganisira Njelele neNyaradza avo vange vachifamba nzendo refu kuenda kuchikoro.
“Chikoro ichi chinotarisirwa kurerutsa mutoro kubva kuGokwe Primary School icho chinove choga change chiri munzvimbo iyi,” vanodaro Muzvare Mandeya.
Gokwe Primary ine vana 2 700.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey