Uncategorized

gomana roba mabhurugwa amhamha

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
gomana roba mabhurugwa amhamha Wilson Sande

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWANAKOMANA uyu anoshura amai vake bedzi! Kuvabira mabhurugwa avo avanopfeka?

Murume atova saimba wekuGlen Forest, muHarare, uyu ashamisa veruzhinji veko mushure mekuba zvipfeko zvemukati zvipfumbamwe (9) zvaamai vake izvo asiri kudura kuti akazviisepi.

Wilson Thembo Sande (28) wepaPlot 10 uye akaroora ari kubvuma kuti akaba zvipfeko zvaamai vake zvemukati izvi mubhegi umo zvaigara ndokubva “zvangomera makumbo” kuendeswa kusingazivikanwe.

Amai vaWilson, Loveness Sande Mademutsa (57), vanotsinhira kuti mwanakomana wavo akavabira mabhurugwa avo 9.

Loveness Mademutsa

“Zvipfeko zvangu akazviba ndikazvishaya zvachose. Ari kubvuma zvake kuti ndiye akazviba asi haataure kwaakazviisa.

“Handizive kuti mamhepo here kumwana uyu. Apa murume mukuru ane mudzimai anotova nepamuviri. Chokwadi mwana kundibira zvipfeko zvemukati, inini amai vake?

“Haasi kudura kuti akazviisa kupi, ingozi chaiyo iyi,” vanodaro Mai Mademutsa.

Vanoti Wilson anogara achivashungurudza uye semunhu ane denda reBp, vanogara vachidonha pasi nekuda kweshungu dzezvavanoitwa nemwanakomana wavo.

Wilson nemudzimai wake.

“Akaroora, mudzimai wake ane pamuviri asi ndini ndinovashandira pano — kuita sa’house girl’. Ndinodawo kuti ashande zvinoita vamwe vana asi iye haadi.

“Mabhurugwa angu aakaba handizive kuti akaaisa kupi.

‘‘Tikamubvunza anobvuma kuti ndiye akaba asi haataure kwaakaendesa. Hamheno, pamwe akatengesa kana kuti akaendesa kun’anga kunondigadzira,” vanodaro amai ava.

Paakabvunzwa neKwayedza nezvenyaya iyi, Wilson — uyo aiva kumba kwaanogara nemudzimai wake — akamboiramba asi ndokuzoibvuma pava pashure.

“Nyaya yekuba mabhurugwa aamai vangu inotaurwa muno, kundivenga uko. Ndakamborambana nemukadzi wangu uyu nekuda kwemakuhwa akadai. Izvozvi ane nhumbu yechipiri, imwe yakambobva,” anodaro Wilson.

“Chandinoziva chandakaba isolar chete iyo ndakataurirana nababa naamai ndikavati ndichavatengera imwe kana ndave kushanda. Ndakaiendesa kumwana wemukoma wangu uko ndaiva nechikwereti che$40,” anodaro Wilson.

Kwayedza yakazoenda naWilson kubasa kwaamai vake makare munzvimbo iyi apo akazonobvuma pamberi pemubereki uyu kuti akaba mabhurugwa avo apo akada kusvimha misodzi nenyadzi.

“Ichokwadi, mabhurugwa aamai ndakaba. Handizive kuti chiiko chakandipinda.

‘‘Ndinoda kubatsirwa kana nevemweya nekuti handizive kuti zvinombofamba sei,” anodaro Wilson pamberi paamai vake.

Kudzanai Boma (20) — uyo anova mudzimai waWilson — anoti haana ruzivo pamusoro penyaya yekunzi murume wake akaba mabhurugwa avamwene vake.

“Handizvizive, dai akazviita ndingadai ndichizviziva nekuti ndini ndinogara naye. Dzimwe nguva vanhu vanongoda kusvibisa zita rake,” anodaro muroora uyu.

VaFadzanai Kamere (42), avo vanova baba kuna Wilson, vanotsinhira nyaya yekuti mwanakomana uyu akaba zvipfeko zvemukati zvaamai vake.

“Mwana uyu atinetsa, hatizive kuti imhepo here kana kuti anoputa zvinodhaka. Amai vake vakashaya mbatya dzavo dzemukati vakazomubvunza iye akabvuma kuti ndiye akazviba. Kwaakazviendesa haana kutaura kana chikonzero chekuti akazviitirei haasi kudura,” vanodaro.

VaKamere vanoti Wilson kwavari mubvandiripo sezvo ari mwana akauya nemudzimai wavo apo vakaroorana.

Vanoti vakazowirirana nemudzimai wavo kuti vasamhan’are nyaya iyi kumapurisa vachityira kuti anozoendeswa kujeri.

“Handina mwana nemudzimai uyu, amai vaWilson. Ndinongoti mwana wangu nekuti ndinogara naamai vake. Ini ndine vangu vana vaviri vanogara naamai vangu kuChimhanda, kuRushinga, sezvo ndakasiyana nemudzimai wangu wekutanga,” vanodaro VaKamere.

Vanoti mukomana uyu anovabira zvinhu zvakasiyana pamba pavo.

“Ipapo paakabva mukuba mabhurugwa aamai vake, akazoba solar panel iyo akanotengesa akabvuma oga. Anoita seane shavi,” vanodaro.

“Anoba chero mwana uyu —masheets zvose nembatya nezvimwewo zvinhu, chero chaangoona. Amai vake, anova mukadzi wangu, vashaya zano nekuda kwemaitiro ake,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links