‘Gomarara rowanda kuvanhu vane husope’

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Gomarara rowanda kuvanhu vane husope’ Gibson Gurumani

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Sangano rinomiririra vanhu vanorarama nehusope, reSave the Needy House, rinoti huwandu hwemasope ari kutambudzwa nechirwere chegomarara reganda huri kuramba huchiwedzera zvichitevera kudhura kwemishonga kana kuti mafuta anovabatsira mukuzvidzivirira kuzuva, esun screen lotion. Sachigaro wesangano iri, VaGibson Gurumani (38), vanoti vari kutsvaga rubatsiro kune vanokwanisa kuti vawane mafuta aya.

“Tinokumbira kuHurumende nevemakambani kana vanhu vakazvimiririra kuti vatibatsirewo nemafuta esun screen lotions kana hanzu dzinotibatsira kuti tizvidzivirire kubva kuzuva senguwani nemaboni-boni. Vazhinji vane husope vari nyore kubatwa nezvirwere zvegomarara nekuti havana ganda rekunze rinobatsira mukudzivirira zuva.

“Muzvipatara zvinorapa gomarara seParirenyatwa Group of Hospitals kutaura kudai muzere pwere nevakuru vane gomarara rinotyisa kana kutarisa. Saka ndinoona zvakakosha kuti tidzivirire pane kuzoda kurapa munhu atokanganisika kare. Vagari vekumaruwa ndivo vamwe vari panyatwa nekuti vanoshanda muzuva munguva zhinji uye vari kure nezvipatara,” vanodaro.

VaGurumani vanoti sangano ravo rine nhengo dzinosvika 500 dzinoda rubatsiro rwemafuta aya asi dziri kuashaya nekuda kwekuomerwa.

“Mafuta emhando iyi anodhura zvekuti vazhinji havakwanisi kuatenga. Chibhodhoro che250ml chiri kuita $55 mumafamasi asi vamwe vedu vanogumisira vave kungotenga mafuta emumikoto izvo zvine njodzi kuutano hwavo nekuti anenge achingogadzirwawo nemakoronyera anotsvaga mari,” vanodaro.

VaGurumani vanoenderera mberi vachiti mashoko echenjedzo maringe nechirwere chegomarara anofanira kuramba achikushwa kuti vanhu vazive dziviriro uye kukasika kuvhenekwa denda risati rakomba.

“Nekuda kwezvitendero, vanhu vazhinji vanopedzerwa nguva yekuti vange vachirapwa apo vanobirwa mari dzavo nedzimwe nen’anga nemaporofita avo vanonyepa kuti vanorapa chirwere ichi chichipera.

“Zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe nekubatsirwa nenguva nekuti kunonoka kunorapwa kuchipatara kunoita kuti vadhurirwe nekuti gomarara iroro rinenge rava kuda mishonga yakawanda uye rinogona kuzonetsa kurapwa richipera,” vanodaro.

VaGurumani vanoti nekuda kwenyaya dzerusarura kuvanhu vane husope munharaunda, vazhinji vavo havana mabasa akati tsvetere uye pekugara pakanaka izvo zvinoita kuti vave nyore mukubatwa nezvirwere zvegomarara.

“Vanhu vane husope vanofanira kushanda mabasa vari mumumvuri nguva zhinji nokudaro vemakambani vanofanira kutarisawo nhunha dzavo kuti vashande panzvimbo dzisingazoiti kuti vave panyatwa dzinokanganisa utano hwavo,” vanodaro.

Vanoshora mamwe makambani anonyima vanhu vane husope mabasa nepamusaka perusarura vachiti ndizvo zvinoita kuti vazhinji vavo vawanikwe vachipemha mumaguta senzira yekutsvaga kurarama.

Sangano reSave the Needy House rakavambwa muna 2007 riine donzvo rekurwira kodzero dzevanhu vane husope, zvikuru munyaya dzeutano nekuwaniswa kwavo mabasa.

 

Share This:

Sponsored Links