Uncategorized

Gonyeti rehuipi rapera dhiziri

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

TAKAMIRIRA kunzwa kuti mombe yekwaZimunya, kwaMutare, yekutaura chiManyika yakazotaura zvimwe zvekuti kudii? Ndaifunga kuti semombe, ichataura nyaya dziri pamusoro pekudyiwa nyama, kukamwa mukaka nekurimiswa mumunda nevanhu.

Zvino takangonzwa kuti inopopotera nyaya dzekudya nekunonoka kuvhurirwa. Saka nyaya yezvekudya haisi muvanhu chete nhai?

Imwe hama munaKristu yakati kana usingade kutsikwa negonyeti rezvakaipa, ibva munzira yarinofamba kuti rigoshaya chekutsika. Kana gonyeti rezvakaipa rashaya chekutsika, rinozopedzisira rapera dhiziri, robuda mumugwagwa, romira risina waradhumha.

Kuita Satani wekuvhima kunokonzera nhamo nematambudziko, nekuti Jesu haana kumbobvira atuma vanhu vake kuti vatsvage Satani. Jesu akaudza vanhu vake kuti vave zvapupu zvake muJerusarema, Judea, nemuSamaria kusvika kumigumo enyika.

Anoudza vatendi vechiKristu kuti vengai zvakaipa, uye dzivisai wakaipa. Saka ndinoshamisika kana kwave nechechi dzine mazita ekuti The Devil’s Hunter Ministries. Mubvunzo wangu woti uri kuvhima Satani here kana kuti iwe ndiwe imbwa yaSatani yaanoshandisa kuvhima.

Variko vakavhima Satani, asi chinoitika ndechekuti kana ukatevera garwe mumvura, zviri nyore kuti rikurume, rikudye nekuti iwe ndiwe wapinda munyika yaro. Musapinduke kuita rima kuti mukunde rima nekuti pamuchange muri murima muchifunga kuti muri kurwa nezvemurima, nemiwo munogona kupedzisira mave chinhu chemurima macho.

Hakuna munhu asingasangane nemiyedzo. Asi unoita sei kana miyedzo ichinge yafuma iri mumba mako, yakarara pamubhedha wako, yakudhonzera magumbeze ako ese?

Inguva zhinji dzinouya Satani kubudikidza nevanhu vatinoziva. Jesu akapandukirwa nemunhu waaifamba naye nekudya naye pamwechete. Miyedzo inouya kuzokuyedza kuti iwe uite zvainenge ichitarisira kubva kwauri. Miyedzo inouya kuzokurasisa kuti iwe ufunge kuti uri kudiwa.

Judhasi akanyepera rudo, akatsvoda Jesu.

Newewo kana ukashaudhwa nemunhu aputa mbanje dzake, iwe uchaita sei nekushaudhwa ikoko? Uchadhakwawo here nemweya wembanje wawafemerwa wobva watangawo kupopota zvekupupa furo? Nguva zhinji tinobatsira miyedzo. Chinoda kuitirwa vanhu vanouya kuzotiyedza kuti tivabvisire gedhi ravanoda kugohwesa huipi hwavo patiri. Kuti isu tirambe kuitwa magoalkeeper emabhora avari kukava.

Kurwa, kurwisana, kushandisirana chisimba, mabhombha nekuurayana kunoda kushaiswa network. Chinokura chichirwa imbada, kwete munhu.

Kurwisana kunoda kurwiswa kubudikidza nekubura poto yeruvengo yainenge yagadza pamoto ichikukuchidzirisa. Kana munhu achida kukutorera bhachi rako, bvisa bhachi racho umupe zvese nebhutsu nemasokisi ako. Chaasingazive ndechekuti hazvireve kuti anobva aita iwewe.

Jesu akasungwa, asi hazvireve kuti akanga asingakwanise kuzvisunungura nekuti akanga ambosunungura Rigiyoni. Jesu akatongerwa kufa, asi hazvireve kuti akanga asiri iye muridzi wehupenyu. Jesu akarohwa zvisina tsitsi, asi iye akanga achidzidzisa tsitsi, rudo nerunyararo. Zvakare vanhu ivavo vakanga vachimusvipira nekumutambudza aitovakumbirira ruregerero kuna Baba vake.

Jesu achifa akanga achitoponesa, kufanana nesipo inenge ichipera, asi ichichenesa. Jesu akarovererwa pamuchinjikwa akapfekedzwa korona yeminzwa – asi aigona kungofuridza masoja echiRoma akapinduka kuita guruva.

Huipi nehutsinye zvakagara zviriko, asi ngazvirege kugara mumunhu. Ngatisakanganwa kuti Jesu akabvunza mubvunzo unoratidza kupusa kwedu. Akati, “Munhu achagobatsirwa nei kana awana nyika yese asi orasikirwa nehupenyu hwake?”

Kuchenjera kwedu kwakapusa pamberi paMwari. Vakati haisi shasha yekumhanya inokunda vamwe pakumhanya, uyewo haasi ane simba achakurira pakurwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey