Uncategorized

Gore mwana gore mwana pa26 years… ‘ndine chipo chekuzvara’

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Gore mwana gore mwana pa26 years… ‘ndine chipo chekuzvara’ Mai Netsai, VaKizito Ziyambe nemhuri yavo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
PAMAKORE 26, mudzimai wekuGokwe abara vana 16 nemurume wake, vose achivasununguka pasina matambudziko uye vari vatano. Mai Netsai Hlatini (46) naVaKizito Ziyambe (48) vemubhuku raNjanji, kwaNembudziya, vane vanasikana 10 nevakomana vatanhatu.

Dangwe pavana ava musikana akaberekwa mugore ra1990 kuchiti mudiki wacho, musikana zvakare, ndewa2016.
VaZiyambe nemudzimai wavo vakaroorana muna1990.

Musha waVaZiyambe

Mai Hlatini — avo vakawanikwa neKwayedza svondo rapera vari pamusha pavo nevamwe vana vavo vasere — vanoti vanodada nechipo chavakapihwa naMwari chekubereka vana vakawanda.

“Vamwe vanotiseka asi hazvina mhosva nekuti hatikwanise kuramba zvido zvaMwari. Inyasha dzaMwari nekuti pane dzimwe nguva ndaitoita mwana pagore roga-roga.
“Pavana vangu vose ava, hapana kana mumwe chete zvake weoparesheni mufunge.

‘‘Ndakasunungukira vana vangu 13 kuchipatara cheNembudziya pasina dambudziko.
“Handina kana mwana akafa kana nhumbu yakabva, vana vatatu ndakasunungukira kumba,” vanodaro Hlatini.
Pavana ava, vanoti hapana manyambiri kana manyatatu.

Mudzimai uyu anoti vaimboshandisa nzira dzekurera mhuri apo aigara achingorwara nekuda kwemapiritsi kusvikira aregera kuanwa.

“Ndichinwa mapiritsi aya, nhumbu dzaingobata chete uye kuburikidza nekurwara, ndakazorega kuanwa.”
Vobvunzwa kuti vachada here kuramba vachiita vamwe vana pamusoro pe16 ava, Mai Hlatini vanoti mumwe mwoyo unombovati vachiguma naivava.

“Ndingangoti ivava vakwana, asi kana Mwari vachiri kuda kuti ndibereke, ndingazviitewo sei? Tinongoramba tichiita vana vacho,” vanodaro.

Dr Moyo

Vanasikana vavo vana vakatoroorwa zvekuti vatovawo nevavo vana vanomwe pamwe chete.
“Ndine vakuwasha vana nevazukuru 7. Vakomana vose vachiri vadiki saka handisati ndava nemuroora, vachauya zvavo. Tinoda kuti vakomana ava vamboenda kuchikoro.

“Asi dambudziko ndere mari yechikoro nembatya semayunifomu uye mabhuku acho.”
Mai Hlatini vanoenderera mberi vachiti: “Hongu, chipo chaMwari vana ava, asi tava nedambudziko rekuvariritira nekuvaendesa kuchikoro nekuti vagopfeka vachiwana kudya kunokwanirana. Ihondo pano, hatiwane kudya kunokwanirana, mbatya chaidzo hatina, sipo yekugezesa, mafuta ekubikisa haawanikwe zvekumhanya.

“Tinodya muriwo munjonjo, kunwa svutugadzike nekuwana chingwa tinoita zvekurota, tinotozvinzwira munhuhwi wazvo panext door,” vanodaro.

Mai Hlatini vanoti pasvondo rimwe chete vanoda hupfu hunokwana 50 kgs, marita 5 emafuta, 10 kgs dzemupunga, 10 kgs dzefurawa, sauti 2 kgs, sipo mabar matatu, sipo dzekugezesa shanu nezvimwe zvakawanda.

“Nyama chaiyo hatichaiziva nekuwanda kwedu, tinongorarama nezviripo nekuti tinorima nekupfuyawo zvipfuyo izvo tinouraya nenguva dziri kure.

“Tinobika bhodho resadza hombe ‘size 6’ umo tinobika hafu yebhagidhi kamwe chete asi hatitoguta. Tinobika kaviri pazuva — mangwanani nemanheru — masikati tinoswera nayo,” vanodaro.

Mai Hlatini vanoti dzimba dziri pamusha pavo hadzikwane sezvo vanasikana vachirara mukamba kehuswa kadiki.
“Tine imba hombe ine dzimba nhatu, hozi ine matura matatu, imba yekubikira imwe chete, kamba kekubikira neimba duku yevasikana umo vasingakwane. Tine shuviro yekuvaka imba huru ingaite dzimba gumi asi kushaya ndiko kunotikunda,” vanodaro.

Mbuya Ziyambe

Mhuri iyi inorima zvinosanganisira mhunga, chibage, nzungu, muriwo nematomatisi.
“Mombe nembudzi tinazvo zvishoma izvo tapedza nekutengesa tichiitira kuti vana vaende kuchikoro. Tingadewo injini yekudhonza mvura nekuchererwa chibhorani kuti tirime zvakakura tigokwanise kuriritira mhuri ichiguta.
“Tinopfuyawo huku, matoki nemadhakisi izvo tapedza kutengesa zvakare,” vanodaro.

Vanoti pari zvino vana vari kuenda kuchikoro vapfumbamwe — vatatu kusekondari nevatanhatu vepuraimari.
Kusekondari, vanodaro Mai Hlatini, kunodiwa $90 pagore pamwana mumwe chete kuchitiwo kupuraimari vanobhadhara $75 pamwana.

“Gore rino bedzi, kuzvikoro kuri kudiwa mari yemafizi inoita $720 iyo tisati tabhadhara kubvira temu yekutanga. Tagara tiine chikwereti cheimwe mari yemamwe makore negore rakapera inosvika $800, kureva kuti mari yose iri kudiwa inodarika $2 000,” vanodaro.

Vanoti vana vavo vanogona zvikuru kuchikoro asi vamwe vacho vari kuguma vasiira chikoro panzira nekushairwa mari.
Pakashanyirwa mhuri iyi neKwayedza, VaZiyambe vakawanikwa vabvakacha.
Mhuri iyi inogara naMbuya Serepuya Ziyambe (90), avo vanove vamwene vaMai Hlatini.
Mbuya Ziyambe vanoti vanodada nemhuri yakaitwa nemwanakomana wavo.

“Mwana wangu akandiberekera mhuri ichandichengeta ini. Inhamo zvayo asi inopera nekuwanda kwavo,” vanodaro mbuya ava.

Munyori weKwayedza votaura pamusoro pezvakaitwa nemukadzi uyu zvekubara vana 16 mumakore 26, mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital — Dr Obadiah Moyo — vanoti hakuna dambudziko rinokonzera munhukadzi kuti aite vana vakawanda.

“Kuita nhumbu kuita nhumbu uyewo kubereka kumwe chete kumadzimai. Hazvina mhosva kuti waita vana vakawanda kana kuti vashoma.

‘‘Chakakosha kutevedza zvinodiwa,” vanodaro Dr Moyo.
Vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare dzinoti 0783 164 141.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey