Uncategorized

Gore rose dhu mwanasikana ari ‘mwanakomana’

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Gore rose dhu mwanasikana ari ‘mwanakomana’ Passmore (Jnr)

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki anogara mumusha we’Joburg Lines (Majubheki), kuMbare, muHarare, akagurwa kunorira nemudzimai wake zvichitevera kupedza kwaakaita chipo chegore — mwedzi gumi yakazara —achichengeta mwana wavo mucheche uyo waainyeperwa nemukadzi uyu kuti mukomana asi iye ari musikana.

Gure rakazofumuka nemusi weChipiri svondo rino apo shamwari yemudzimai uyu yakanyevera murume wacho kuti mwana waari kunzi mukomana kwenguva yose iyi musikana.

Nenyaya yekuda kuchengetedza wanano nekumuzvarira mwanakomana, mukadzi uyu anga “achivhara” murume wake kubva paakasununguka achimuti mwana uyu “chibaba” iye ari “chimhamha”.

Ayanda Tapera (26) — uyo anoroja nemurume wake, Passmore Muteve (28), panhamba 21C-26th Road — anobvuma kuKwayedza kuti akanyepera murume wake kuti akasununguka mwanakomana apo akabatsirwa kuchipatara cheHarare Central Hospital.

Ayanda Tapera

Nekufara, murume uyu akabva aita manyemwe ndokutumidza mwana uyu zita rake Passmore achiti “dzinza rakura”.

Nemusi weChipiri svondo rino, vemhuri yekwaMuteve naTapera vakawanikwa neKwayedza vari kukamba yemapurisa yeMbare ZRP apo vaipopotedzana nekuda kwenyaya iyi vachida kuziva kuti sei muroora uyu akanyepa zvakadaro.

Vamwewo veruzhinji vaida kuziva kuti mukadzi uyu ainge achazozvifambisa sei nekufamba kwenguva —kuti mwanasikana uyu agozova mukomana.

“Ichokwadi, ndakanyepera murume wangu kuti mwana musikana wandakasunungukira kuchipatara cheHarare uyu mukomana. Izvi ndakazviita nekuti murume wangu panguva yandaiva nenhumbu aigara achinditi, ‘Ukangozvara mwana musikana bedzi handidi kumuona pano newe wacho unobva wabva pano wodzokera kumba kwenyu’.

“Nekutya kurambwa, ndakanyepa kuti mukomana, murume wangu akatomutumidza mwana zita rake rekuti Passmore Delmon (junior),” anodaro Tapera.

Mudzimai uyu anoti nguva zhinji aigara akashambidza mwana uyu, akamupfekedza mbatya dzechikomana kuti baba vacho nedzimwe hama nevavakidzani vasaone kuti musikana.

“Dai zvanga zvisina kubuda, handizive kuti ndaizoita sei asi nyaya huru ndeyekuti ndakazviitira kuchengetedza imba yangu.

‘‘Zvazobuda nhasi nekuda kweshamawari yangu Mai Mukanya yabvisa mwana hembe ikaona kuti musikana. Ndiye audza murume wangu kusvikira tazosvika kuno kumapurisa,” anodaro.

Passmore anoti aisambowana nguva nemwana wake izvo zvakaita kuti asaone kuti musikana kusvikira neChipiri chino apo akanzwa nyaya iyi ndokuzotarisa mwana akaona “mashura”, mwanakomana musikana.

“Mai Mukanya shamwari yemukadzi wangu ndiye andinyevera ini ndokuzotarisa mwana ndikaona ari musikana.Chabva chabvondoka ndokushevedza hanzvadzi dzangu kuzoona mashura aya.

“Shuwa kupa mwana musikana zita rangu here? Taida kutonobairwa mombe nababa kwaNechavava, kuBuhera, zvino pamwe haasi wangu nekuti mukadzi wangu anonzi ane zvikomba,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Mhuri yedu yakapembera zvikuru kuchinzi kwaitwa mwana mukomana tichiti dzinza redu rekwaMuteve rakura. Izvozvi tanga tichironga kunoratidza baba vangu, VaJiri Muteve, mwana uyu kumusha kuBuhera zvino zvafa.”

Passmore anoti akatozoziva nemusi weChipiri kuti mwana uyu ane makadhi ekuchipatara ekuzvarwa maviri – reruvara rwepink rinopihwa vana vasikana nereblue rinopihwa vana vakomana.

Passmore Muteve

Mukadzi uyu haasi kutaura kuti magwaro akasiyana aya akaawana sei uye kupi.

Passmore nehama dzake vanoti vari kuronga kuti iye anoongororwa ropa pamwe chete nemwana uyu zvionekwe kuti ndewake here.

“Handisisina chokwadi nemwana uyu nekunyeperwa kwandakaitwa nekuti mukadzi wangu anomboti akaenda kwaanoti kumba kwavo, anonoita masvondo maviri asi ini handikuzive nekuti handisati ndabvisa pfuma yeroora,” anodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi inoda kuongororwa sezvo kuine nyaya dzekubiwa kwevana dziri kuitika muZimbabwe.

“Hatizive zvakaitika pakunzi mwana uyu ane makadhi maviri anoti remwana mukomana neremwana musikana.

‘‘Saka panofanirwa kuferefetwa.

“Kudai mukadzi uyu akawana mukana wekuba mwana, aizviita nekuti aida kuchengetedza imba yake, ndiko kuparwa kunoitwa mhosva,” vanodaro.

Passmore anotiwo pava kubuda nyaya yekuti mumwe musikana waanoudzwa kuti munin’ina wemudzimai wake, anotori mwana wemukadzi uyu apa nguva yose iye anga achimuti muramu.

Tapera anotiwo ane mwana wake musikana ane makore 6 okuberekwa waakaita nemumwe murume uye anoramba nyaya yekuti ane mumwe musikana waanoita munin’ina asi iye ari mwana wake.

Mudzimai uyu akazotanga kudya marasha apo aiita hurukuro neKwayedza achiti hazvishamise kana akaita varume 7 kana 14 ndokuti, “Kune vamwe vakadzi vane varume zana wani munyika muno?”

Anotizve haasi kuda kuti mwana uyu asandurwe zita rake raakapihwa vanhu vachifunga kuti mukomana iye ari musikana.

Jimisai Makumbe (39), anova hanzvadzi yaPassmore, anoti makore agara hanzvadzi yavo nemukadzi uyu zvaingooneka kuti kumanikidzira.

Vamwe vaiva kumapurisa kunyaya iyi vanosanganisira Ema Makumbe (37), Minor Ndlovu (34) naElector Mandaza (37) vose vanoti Tapera anofanira kurambwa nemurume wake nekuda kwekumunyepera kwaakaita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>