Goredzva nembama…‘Sori ndakange ndakadhakwa’

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Goredzva nembama…‘Sori ndakange ndakadhakwa’

Kwayedza

MARAMBADORO akapinza murume wekuChitungwiza munyatwa zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva mudare yekurova vana mainini vake musi weGoredzva apo aive akadhakwa.

Jeremiah Madenyika (27), wepanhamba 3698 Manyame Park, akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokuwanikwa aine mhosva yekurova vana mainini vake vaviri vanoti Portia Muzembe (24) naFelistas Muzembe (29) pazuva rimwe chete iri.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa1 Ndira gore rino, panguva iyo ruzhinji rwakange rwuri kupemberera gore idzva.

Madenyika akaenda kumba kwaPortia achibva asvikopinda mubhedhuru make ndokutangisa kumubvunza kuti nemhaka yei akange achigara achibvunza kwaanogara.

Akabva atangisa kumurova nezvibhakera pachipfuva nekumusana achibva amhanya kunotaurira Felistas nezvechiitiko ichi.

Felistas paakauya kumba kwaPortia kuti vazoita muonerapamwe, akabva arohwa zvekare nebhutsu muviri wese izvo zvakaita kuti asare akuvara.

Vaviri ava vakazonomhan’ara kumapurisa zvakaita kuti Madenyika asungwe.

Paakabvunzwa namutongi Lazarus Murendo kuti akange aine chichemo here, Madenyika akati naiyewo akarohwa nechaunga mushure mekunge arova vaviri ava zvikaita kuti dare riti bvu-u kuseka.

“Hongu ndakarova vana amainini ava asi ndakazviita nekuda kwekudhakwa uye ndinokumbirawo kuti vandiregerere.

“Iniwo ndakatorohwawo nevanhu musi wandakavarova iwoyo,” akadaro Madenyika akarerekera musoro.

Madenyika akaudza dare zvakare kuti anoita mabasa ekutengesa achiwana US$5 pazuva uye ane mudzimai nemwana ane gore nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa vanoda kuriritirwa naiye.

Mutongi Murendo akati nyaya dzemhirizhonga mudzimba dziri kuramba dzichiwanda nokudaro chirango chakakura chinopa dzidziso kune vamwe kuti vagotya.

Nekudaro akatemera Madenyika kugara mujeri kwemwedzi mumwe chete kana kubvisa faindi yeUS$100 mushure

mekunge zvaonekwa kuti aka kakange kari kekutanga kake kupara mhosva yakadai.

Share This:

Sponsored Links